Joshua 9:1-2
Joshua 9:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino madzimambo ose aigara kumavirira kweJorodhani navaiva munyika yamakomo, mujinga mamakomo kumadokero, mumahombekombe ose eGungwa Guru kusvikira kuRebhanoni (madzimambo avaHiti, navaAmori, navaKenani, navaPerizi, navaHivhi navaJebhusi) vakanzwa nezvazvo. Vakaungana pamwe chete kuti varwisane naJoshua navaIsraeri.
Joshua 9:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino madzimambo ose akanga agere mhiri kwaJorodhani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamhenderekedzo dzose dzegungwa guru pamberi peRebhanoni, vaHeti, navaAmori, navaKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, vakati vachinzwa izvozvo, vakaungana nomwoyo mumwe kundorwa naJoshua navaIsiraeri.
Joshua 9:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti izvozvi zvanzwikwa namadzimambo ose akanga agere kumhiri kwaJorodhani munyika yamakomo nenyika yamapani nokumahombekombe kwose kweGungwa guru kwakatarisana neRebhanoni, vaHiti navaAmori navaKanani navaPerezi navaHivhi navaJebhusi vakazvinzwa, vakakokorodzana vakaita rimwe rokurwisa Joshuwa navaIsiraeri.
Joshua 9:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino madzimambo ose akaŋga agere mhiri kwaJoridani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamhenderekedzo dzose dzeguŋgwa guru pamberi peRebanoni, ʋaHeti, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakaʋuŋgana nomŋoyo mumŋe kundorwa naJoshua naʋaIsraeri.
Joshua 9:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)