Joshua 8:3-8
Joshua 8:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Joshua akasimuka nehondo yose kuti andorwisa Ai. Akasarudza mhare dzokurwa dzinokwana zviuru makumi matatu akavatuma usiku. Akavarayira achiti, “Nyatsoteererai. Munofanira kuvandira guta necheseri kwaro. Musaende kure naro. Mose munofanira kugara makagadzirira. Ini navanhu vose vandinavo tichafamba takananga guta, zvino kana varume vakauya kuti vazorwa nesu, sezvavakaita pakutanga, tichavatiza. Vachatidzinganisa kusvikira tavakwezvera kure neguta, nokuti vachati, ‘Vari kutitiza sezvavakamboita pakutanga.’ Naizvozvo kana tavatiza, imi munofanira kusimuka kubva pamunenge makavanda motora guta. Jehovha Mwari wenyu acharipa mumaoko enyu. Kana matora guta, ripisei nomoto. Muite zvamarayirwa naJehovha, tarirai, ndakurayirai.”
Joshua 8:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Joshua akasimuka, navarume vose vehondo, kuti vakwire Ai; Joshua akatsaura varume vane zviuru zvina makumi matatu, varume vane simba noumhare, akavatuma usiku. Akavaraira, akati, “Tarirai, munofanira kundovandira guta necheseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makazvigadzira mose; zvino ini navanhu vose vandinavo, tichaswedera kuguta; zvino kana vachibuda kuzorwa nesu, sapakutanga, isu tichatiza pamberi pavo; ipapo vachabuda, vachititevera, kusvikira tavanyengera kure neguta; nokuti vachati, ‘Vanotiza pamberi pedu sapakutanga;’ nesu tichatiza pamberi pavo; ipapo imi munofanira kusimuka pamakanga makavandira, mundokunda guta, nokuti Jehovha Mwari wenyu uchariisa mumaoko enyu. Zvino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomoto; munofanira kuita sezvakarehwa naJehovha; tarirai, ndakurairai.”
Joshua 8:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akasimuka aine varwi vehondo vose, vakakwira kuguta reAi. Joshuwa akasarudza zviuru makumi matatu zvavarwi, vano vakasimba chaizvo akavatumako nousiku. Akavaudza achiti, “Endai mundohwandira guta iroro necheshure kwaro. Regai kundova kure kure neguta, asi garai makagadzirira. Ini navanhu vandinavo tichafamba kusvika paguta iroro. Pavachabuda kuzotirwisa sezvavakamboita tichavatiza. Ivo vachatidzingirira kusvikira tavakwezvera kunze kweguta nokuti ivo vachati, ‘Vari kutitiza sapakutanga paya.’ Saka isu tichavatiza, imi mosimuka pamunenge manga makahwanda paya muchindotora guta iroro nokuti Tenzi, Mwari wenyu achariisa mumaoko menyu. Kana matora guta iroro ripisei nomoto muite zvatakaudzwa naTenzi. Chinzwai, ndiri kutokutumai izvozvi.”
Joshua 8:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Joshua akasimuka, naʋarume ʋose ʋehondo, kuti ʋakwire Ai; Joshua akatsaura ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, akaʋatuma ʋusiku. Akaʋaraira, akati: Tarirai, munofanira kundoʋandira guta neceseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makaɀigadzira mose; ɀino ini naʋanhu ʋose ʋandinaʋo, ticasweɗera kuguta; ɀino kana ʋaciɓuɗa kuzorwa nesu, sapakutaŋga, isu ticatiza pamberi paʋo; ipapo ʋacaɓuɗa, ʋacititeʋera, kuȿikira taʋanyeŋgera kure neguta; nokuti ʋacati: Ʋanotiza pamberi peɗu sapakutaŋga; nesu ticatiza pamberi paʋo; ipapo imi munofanira kusimuka pamakaŋga makaʋandira, mundokunda guta, nokuti Jehova Mŋari wenyu ucariisa mumaʋoko enyu. Ɀino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomŋoto; munofanira kuita seɀakarebga naJehova; tarirai, ndakurairai.
Joshua 8:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)