Joshua 7:21-26
Joshua 7:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviri esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.” Naizvozvo Joshua akatuma nhume, vakamhanyira kutende, vakanowana zviriko, zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi. Vakazvibvisa mutende, vakauya nazvo kuna Joshua nokuvaIsraeri vose, vakazviwadzira pamberi paJehovha. Ipapo Joshua, pamwe chete navaIsraeri vose vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha, nenguo, negoridhe, navanakomana navanasikana vake, mombe dzake, nembongoro dzake namakwai ake, netende rake nezvose zvaaiva nazvo, vakaenda nazvo kuMupata weAkori. Joshua akati, “Watipinzireiko mudambudziko iri? Jehovha achakupinza mudambudziko nhasi.” Ipapo vaIsraeri vose vakamutema namatombo, uye shure kwokuvatema vose, vakavapisa nomoto. Vakaunganidza murwi wamatombo mukuru pamusoro paAkani, uchiripo nanhasi. Ipapo Jehovha akadzora kutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo nzvimbo iyi yakanzi Mupata weAkori kubvira ipapo.
Joshua 7:21-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ndakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora; tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.” Naizvozvo Joshua akatuma nhume, ivo vakamhanyira kutende rake, vakandowana zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi pazvo. Vakazvibvisa mutende, vakazviisa kuna Joshua, nokuvana vaIsiraeri vose, vakazviisa pasi pamberi paJehovha. Ipapo Joshua navaIsiraeri vose vakanga vanaye vakatora Akani, mwanakomana waZera, nesirivha, nenguo, nembongoro dzake, namakwai ake, netende rake, nezvose zvaakanga anazvo, vakakwira navo kumupata weAkori. Zvino Joshua akati, “Wakatipinzireiko padambudziko? Jehovha uchakupinza padambudziko nhasi.” Ipapo vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, vakavapisa nomoto, nokuvataka namabwe. Vakaunganidza pamusoro pake mabwe akaita murwi mukuru uripo kusvikira nhasi; Jehovha akazvidzora pakutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kusvikira nhasi.
Joshua 7:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pandakaona hanzu yegemenzi yamandiriri kunaka yokuShinari pazvinhu zvakanga zvapambwa, nemari yamashekeri yesirivha inorema makirogiramu maviri, nechidimbu chendarama chino uremu hunopfuura chikamu chapakati napakati chekirogiramu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvino zvinhu izvozvo ndakazviviga muvhu, mutendhe yangu, pakati, sirivha ndiyo iri nechapasi pazvo.” Joshuwa akatuma nhume dzikamhanya kutendhe iroro, wanei zvakavigwa mutendhe rake imomo, sirivha iri nechepasipasi. Vakazviburitsa mukati metendhe imomo, vakaenda nazvo kwaiva naJoshuwa navaIsiraeri vose, vakazviti ware ware pasi pana Tenzi. Joshuwa pamwechete navaIsiraeri vose vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha iya nehanzu iya nechidimbu chendarama chiya, vakatorawo vana vake vakomana navasikana, pamwechete nemombe dzake namadhongi nehwai dzake netendhe rake netwake twose, vakaenda nazvo kubani reAkori. Joshuwa akati, “Ko iwe wakatipinzirei munhamo yakadai? Nhasi uno, Tenzi akupinzawo munhamo.” VaIsiraeri vose vakamutema namabwe, pamwechete navaaiva navo, vakavapisa nomoto. Vakatutira murwi wamatombo mukuru pamusoro pake, uchiripo nanhasi uno, hasha dzaTenzi dzakanga dzaviruka dzikanyevenuka. Saka nanhasi uno zita rebani iroro richinzi, Bani reAkori.
Joshua 7:21-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ndakaʋona pakati peɀakapambga ŋguʋo yakanaka, inobva Babironi, nesirveri yakaȿika mashekeri anamazana maʋiri, norurimi rwendarama rwakaȿika mashekeri anamakumi mashanu pakuyerwa kwarwo; ipapo ndakaɀicocora, ndikaɀitora; tarirai, ɀakaʋigwa pasi mutente raŋgu, sirveri iri pasi paɀo. Naiɀoɀo Joshua akatuma nhume, iʋo ʋakamhanyira kutente rake, ʋakandowana ɀakaʋigwa mutente rake, sirveri iri pasi paɀo. Ʋakaɀibvisa mutente, ʋakaɀiisa kunaJoshua, nokuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋakaɀiisa pasi pamberi paJehova. Ipapo Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋanaye ʋakatora Akani, mŋanakomana waZera, nesirveri, neŋguʋo, nemboŋgoro dzake, namakwai ake, netente rake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, ʋakakwira naʋo kumupata weAkori. Ɀino Joshua akati: Wakatipinzireiko paɗambudziko? Jehova ucakupinza paɗambudziko nhasi. Ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋakamutaka namabge, ʋakaʋapisa nomŋoto, nokuʋataka namabge. ʋakaʋuŋganidza pamsoro pake mabge akaita murwi mukuru uri’po kuȿikira nhasi; Jehova akaɀidzora pakutsamŋa kwake kukuru. Naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kuȿikira nhasi.
Joshua 7:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)