Joshua 7:2 - Enzanisa Shanduro Dzose
Joshua 7:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Joshua akatuma vanhu kubva kuJeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munosora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanosora Ai.
Joshua 7:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti‐avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, “Kwirai, mundoshora nyika.” Varume vakakwira, vakandoshora Ai
Joshua 7:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Joshua akatuma ʋarume ʋabve Jeriko ʋaende Ai, guta riri parutiʋi rweBeti‐aveni, kumabvazuʋa eBeteri, akataura naʋo, akati: Kwirai, mundoshora nyika. Ʋarume ʋakakwira, ʋakandoshora Ai.
Joshua 7:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa akatuma vamwe varume vachibva kuJeriko kuenda kuAi, guta riri pedyo neBhetihavheni nechokumabvazuva kweBheteri, akavati, “Kwirai uku mundosora nyika.” Varume ivavo vakakwira ikoko, vakasora guta reAi.
Joshua 7:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)