Joshua 7:13-15
Joshua 7:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa. “ ‘Zvino mangwana mangwanani, munofanira kuzviratidza rudzi norudzi. Rudzi ruchabatwa naJehovha runofanira kuuya mberi imba neimba; imba ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi, mhuri nemhuri; mhuri ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi munhu nomunhu. Uyo achawanikwa ane zvinhu zvakatukwa achaparadzwa nomoto, nazvose zvaanazvo. Akanganisa sungano yaJehovha uye aita chinhu chinonyadzisa muIsraeri!’ ”
Joshua 7:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simuka, utsaure vanhu, uti, ‘Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.’ Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe. Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nokuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri.”
Joshua 7:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe. Naizvozvo mangwanani munofanira kuuya kuno muri dzinza nedzinza. Dzinza rinenge rabatwapo naTenzi richapinda mudariro mhuri nemhuri. Kwozotiwo mhuri yomo inenge yabatwapo naTenzi, inofanira kupindawo mudariro imba nemba. Vembawo inenge yabatwa naTenzi vachapinda mudariro vachiteverana munhu nomunhu. Munhu anobatwa aine zvinhu izvozvo zvakaturirwa kuti zviparadzwe Mwari, anosungirwa kupiswa nomoto pamwechete nezvinhu zvake zvose nokuti atyora chitsidzirano chawakanzi naTenzi chichengetwe, uyewo nokuti akaita zvinonyadza muIsiraeri.’ ”
Joshua 7:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simuka, utsaure ʋanhu, uti: Ɀitsaurirei maŋgwana, nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kunecinhu cakayeriswa pakati penyu, Israeri; hamuŋgakundi ʋaʋeŋgi ʋenyu, kuȿikira mabvisa cinhu cakayeriswa pakati penyu. Naiɀoɀo maŋgwana munofanira kusweɗera namarudzi enyu; ɀino rudzi runoɓatwa naJehova, runofanira kusweɗera nedzimba dzarwo, neimba inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera nemhuri dzayo, nemhuri inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera murume mumŋe nomumŋe. Ɀino uyo unoɓatwa anecinhu cakayeriswa, unofanira kupiswa nomŋoto, iye neɀose ɀaanaɀo; nokuti wakaɗarika suŋgano yaJehova, ʋuye nokuti wakaita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paIsraeri.
Joshua 7:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)