Joshua 7:1-3
Joshua 7:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi vaIsraeri vakaita zvisina kutendeka pamusoro pezvinhu zvakatukwa; Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa. Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakamukira vaIsraeri. Zvino Joshua akatuma vanhu kubva kuJeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munosora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanosora Ai. Pavakadzoka kuna Joshua, vakati, “Hazvifaniri kuti vanhu vose vaende kundorwa neAi. Tumirai varume zviuru zviviri kana zvitatu kuti vaitore, mugorega kunetsa vanhu vose ava, nokuti ikoko kuna vanhu vashomanana chete.”
Joshua 7:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri. Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti‐avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, “Kwirai, mundoshora nyika.” Varume vakakwira, vakandoshora Ai, Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, “Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nokuti vashoma havo.”
Joshua 7:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vaIsiraeri havana kuva vanhu vakatendeka panyaya yezvinhu zvakaturirwa kuparadzirwa Mwari. Chakaitika ndechokuti, Akani mwanakomana waKarumi, muzukuru waZabhudhi, mwanakomana waZeraha, wedzinza rokwaJudha akatora zvimwe zvinhu pazvinhu zviya zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari, hasha dzaTenzi dzikavirukira vaIsiraeri. Joshuwa akatuma vamwe varume vachibva kuJeriko kuenda kuAi, guta riri pedyo neBhetihavheni nechokumabvazuva kweBheteri, akavati, “Kwirai uku mundosora nyika.” Varume ivavo vakakwira ikoko, vakasora guta reAi. Vakadzoka kuna Joshuwa vakati kwaari, “Regai kuti vanhu vose vakwireko, ingotii chete varume zviuru zviviri kana zvitatu vakwire ikoko, varwise guta reAi. Regai zvenyu kutambudza vanhu nokuendesa vose ikoko nokuti vanhu voko vashoma.”
Joshua 7:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakaɗarika pacinhu cakayeriswa; nokuti Akani, mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda, wakatora cinhu ceɀakayeriswa; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋana ʋaIsraeri. Joshua akatuma ʋarume ʋabve Jeriko ʋaende Ai, guta riri parutiʋi rweBeti‐aveni, kumabvazuʋa eBeteri, akataura naʋo, akati: Kwirai, mundoshora nyika. Ʋarume ʋakakwira, ʋakandoshora Ai. Ʋakadzokera kunaJoshua, ʋakati kwaari: Ʋanhu ʋose ŋgaʋarege kukwira; ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ŋgaʋaende kundorwa neAi, asi ʋanhu ʋose ŋgaʋarege haʋo kutambudzwa kuenda’ko, nokuti ʋashoma haʋo.
Joshua 7:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)