Joshua 6:8-9
Joshua 6:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Joshua paakapedza kutaura navanhu, vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe pamberi paJehovha vakaenda pamberi, vachiridza hwamanda dzavo, areka yesungano yaJehovha ikavatevera. Vakanga vakatakura zvombo zvokurwa nazvo vakafamba mberi kwavaprista vairidza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka. Nguva yose iyi hwamanda dzairira.
Joshua 6:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapristi vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera. Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapristi vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda.
Joshua 6:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa paakaudza vanhu izvozvo, vapristi vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe dziya pana Tenzi vakatungamira vachiridza hwamanda idzodzo vachiteverwa nebhokisi raTenzi rechitenderano. Varume vakanga vakapakata zvombo vakaenda pamberi pavapristi vairidza hwamanda, shure kwebhokisi rechitenderano kwaiteverawo vamwe vokuchengetedzako iyo hwamanda ichingodandaura chete.
Joshua 6:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua wakati ataura naʋanhu, ʋaprista ʋanomŋe ʋakatuŋgamira ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge, ʋakaridza hwamanda, areka yesuŋgano yaJehova ikaʋateʋera. Ʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakatuŋgamirira ʋaprista ʋakaŋga ʋaciridza hwamanda, naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda.
Joshua 6:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)