Joshua 6:6-7
Joshua 6:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Joshua mwanakomana waNuni akadana vaprista akati kwavari, “Takurai areka yesungano yaJehovha uye vaprista vanomwe ngavatakure hwamanda pamberi pavo.” Akarayira vanhu akati, “Endai mberi! Fambai muchipoterera guta, varume vakatakura zvombo zvokurwa nazvo vaende mberi kweareka yaJehovha.”
Joshua 6:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapristi, akati kwavari, “Simudzai areka yesungano, vapristi vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha.” Akati kuvanhu, “Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.”
Joshua 6:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa mwanakomana waNuni akadaidza vapristi akavati, “Takurai bhokisi rechitenderano, vapristi vanomwe vatakure hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi raTenzi.” Akati kuvanhu, “Chifambai muchitenderera guta iri, varume vakapakata zvombo zvehondo vaende mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano.”
Joshua 6:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, akaɗana ʋaprista, akati kwaʋari: Simudzai areka yesuŋgano, ʋaprista ʋanomŋe ʋafambe ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova. Akati kuʋanhu: Pfuʋurai, mupoteredze guta, ʋarume ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋatuŋgamirire areka yaJehova.
Joshua 6:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)