Joshua 6:3-4
Joshua 6:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Fambai mutenderere guta kamwe chete pamwe navarume vose vehondo. Muite izvi kwamazuva matanhatu. Ngapave navaprista vanomwe vanotakura hwamanda dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka. Pazuva rechinomwe fambai muchitenderera guta kanomwe, vaprista vachiridza hwamanda.
Joshua 6:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munofanira kukomba guta, imi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda.
Joshua 6:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vachange vane hwamanda dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi rechitenderano. Pazuva rechinomwe forai muchitenderera guta irori kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda.
Joshua 6:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munofanira kukomba guta, imi ʋarume ʋose ʋehondo, mupoteredze guta kamŋe cete. Unofanira kuita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu. Ʋaprista ʋanomŋe ʋanofanira kufamba pamberi peareka ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge; nomusi wecinomŋe munofanira kupoteredza guta kanomŋe, ʋaprista ʋaciridza hwamanda.
Joshua 6:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)