Joshua 3:8 - Enzanisa Shanduro Dzose
Joshua 3:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Taurira vaprista vanotakura areka yesungano uti: ‘Kana masvika panotangira mvura yeJorodhani, munofanira kupinda momira muJorodhani.’ ”
Joshua 3:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.’ ”
Joshua 3:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Iwe unofanira kuraira ʋaprista kuti ʋatakure areka yesuŋgano, uciti: Kana maȿika parutiʋi rwemvura yaJoridani, munofanira kumira muJoridani.
Joshua 3:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.”
Joshua 3:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.”