Joshua 3:3-17
Joshua 3:3-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
vachirayira vanhu vachiti, “Pamunoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navaprista, vaRevhi, voitakura, munofanira kubva panzvimbo dzenyu moitevera. Ipapo muchaziva nzira yamunofanira kuenda nayo, nokuti hamusati mambofamba nenzira iyi. Asi munofanira kusiya nzvimbo inosvika makubhiti zviuru zviviri pakati penyu neareka. Regai kuswedera pedyo nayo.” Zvino Joshua akati kuvanhu, “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.” Joshua akati kuvaprista, “Simudzai areka yesungano mutungamirire vanhu.” Naizvozvo vakaisimudza vakatungamirira vanhu. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukusimudzira pamberi pavaIsraeri vose, kuitira kuti vazive kuti ndinewe sezvandaiva naMozisi. Taurira vaprista vanotakura areka yesungano uti: ‘Kana masvika panotangira mvura yeJorodhani, munofanira kupinda momira muJorodhani.’ ” Joshua akati kuvaIsraeri, “Uyai pano muteerere mashoko aJehovha Mwari wenyu. Ichi ndicho chinhu chamuchaziva nacho kuti Mwari wenyu mupenyu ari pakati penyu uye kuti zvirokwazvo achadzinga vaKenani mberi kwenyu, navaHiti, navaPerizi, navaGirigashi, navaAmoni navaJebhusi. Tarirai, areka yesungano yaShe wenyika yose ichakutungamirirai pakuyambuka Jorodhani. Naizvozvo, sarudzai varume gumi navaviri kubva kumarudzi avaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe. Uye vaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, pavanongotsika netsoka dzavo muJorodhani, mvura yarwo inoerera ichibva kumusoro ichamira yoita murwi.” Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira. Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura, mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko. Vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pavhu rakaoma pakati peJorodhani, vaIsraeri vose pavaipfuura, kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka napavhu rakaoma.
Joshua 3:3-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
vakaraira vanhu, vachiti, “Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapristi vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera. Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi.” Zvino Joshua akati kuvanhu, “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu.” Joshua akataura navapristi, akati, “Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka.” Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu. Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMosesi. Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.’ ” Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, “Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.” Joshua akati, “Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi. Tarirai, areka yesungano yaishe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jorodhani. Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe. Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.” Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu; zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,) mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kurekure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko. Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJorodhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jorodhani.
Joshua 3:3-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
vachiudza vanhu vachiti, “Kana mukaona vapristi, vaRevhi vatakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari wenyu, imiwo ibvai masimuka mubve pamunenge muri muritevere, ndokuti muzive kwokuenda nako nokuti hamusati mambosvika nokuno. Chiripo chete ndechokuti pakati penyu naro panofanira kuva nechinhambwe chekiromita rimwechete, musasvike pedyo naro.” Joshuwa akataurira vanhu achiti, “Zvichenurei nokuti mangwana Tenzi achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.” Joshuwa akataurira vapristi achiti, “Chitakurai bhokisi rechitenderano mutungamirire vanhu muende mberi kwavo.” Vakatakura bhokisi rechitenderano vakatungamirira vanhu. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Ndichatangisa nhasi uno kukusimudzira pamusoro mukati mavaIsiraeri vagoziva kuti ndinewe sezvandaingova naMosesi. Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.” Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Uyai kuno munzwe zvarehwa naTenzi Mwari wenyu.” Joshuwa akati, “Mwari mupenyu, ari pakati penyu uye haambokundikani kukudzingirai vaKanani navaHiti navaHivhi navaPerizi navaGirigashi navaAmori navaJebhusi. Zvamuchazviziva nazvo ndezvizvi zvokuti: bhokisi rechitenderano raTenzi wepasi pose richakutungamirirai kuyambuka Jorodhani. Saka chisarudzai varume gumi navaviri, mumadzinza ose avaIsiraeri, murume mumwechete panzinza roga roga. Tsoka dzavapristi vanenge vakatakura bhokisi raTenzi, Tenzi wepasi pose padzichatsika mumvura yaJorodhani, mvura iyoyo yaJorodhani ichaganhuka kuerera mvura, inenge ichierera ichibva kumusoro ichaita murwi kumira.” Naizvozvo vanhu pavakasimuka paiva namatendhe avo, vachindoyambuka Jorodhani vakatungamirirwa mberi kwavo navapristi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano. Jorodhani urwu runozara mhiri nemhiri panguva yose yokukohwa. Vaprisiti vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano pavakasvika pana Jorodhani, tsoka dzavo padzakangoti tsikei mumvura, mvura yaibva nechokumusoro kwarwo yakati murwi tuku ndokusundana yakati fuse fuse kusvikura kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani. Mvura iya yaierera ichidzika narwo ichienda kugungwa reArabha, gungwa romunyu, yakabva yanyatsopararaniswa, vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko. Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano vakanyatsomira zvavo pasi pakaoma, pakati paJorodhani, vaIsiraeri vose vachivapfuura kusvikira rudzi rwavo rwose rwayambuka napakaoma.
Joshua 3:3-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋakaraira ʋanhu, ʋaciti: Kana muciʋona areka yesuŋgano yaJehova Mŋari wenyu, naʋaprista ʋaRevi ʋoitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuiteʋera. Asi munofanira kusiya nɀimbo pakati penyu naiyo, inoȿika makubiti aneŋge ɀuru ɀiʋiri; regai kusweɗera kwairi, kuti muziʋe nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi. Ɀino Joshua akati kuʋanhu: Ɀinatsei, nokuti maŋgwana Jehova ucaita ɀinoshamisa pakati penyu. Joshua akataura naʋaprista, akati: Simudzai areka yesuŋgano, mutuŋgamirire ʋanhu pakuyambuka. Iʋo ʋakasimudza areka yesuŋgano, ʋakatuŋgamirira ʋanhu. Ipapo Jehova akati kunaJoshua: Nhasi ndicataŋga kukukudza pamberi paʋaIsraeri ʋose, ʋaziʋe kuti ndicaʋa newe, seɀandaisiʋa naMosesi. Iwe unofanira kuraira ʋaprista kuti ʋatakure areka yesuŋgano, uciti: Kana maȿika parutiʋi rwemvura yaJoridani, munofanira kumira muJoridani. Ɀino Joshua akati kuʋana ʋaIsraeri: Ʋuyai pano, munzwe mashoko aJehova Mŋari wenyu. Joshua akati: Mucaziʋa necinhu ici kuti Mŋari mupenyu uri pakati penyu, ʋuye kuti ucadziŋga ɀirokwaɀo pamberi penyu ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaHivi, naʋaPerezi, naʋaGirgashi, naʋaAmori, naʋaJebusi. Tarirai, areka yesuŋgano yaShe wenyika yose inokutuŋgamirirai pakuyambuka Joridani. Naiɀoɀo ɀino muɀitorerei ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri pamarudzi ose aʋaIsraeri, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe. Ɀino kana tsoka dzaʋaprista ʋanotakura areka yaJehova, Ishe wenyika yose, dzicitsika mumvura yaJoridani, mvura yaJoridani icagurwa, iyo mvura inobva kumsoro; icamira, ikaita murwi mukuru. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacibva pamatente aʋo, kuti ʋayambuke Joridani, ʋaprista ʋaitakura areka ʋakatuŋgamirira ʋanhu; ɀino ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋakati ʋaciȿika paJoridani, netsoka dzaʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka dzicinyikwa pamuceto wemvura, (nokuti Joridani runofashamira nhiʋi dzarwo dzose ŋguʋa yose yokukohwa,) mvura yakaŋga icibva kumsoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kuȿikira kurekure paAdama, guta riri kurutiʋi rweZaretani; neyakaŋga iciyerera kuguŋgwa reAraba, ndiro Guŋgwa roMunyu, yakagurwa cose; ʋanhu ʋakayambuka pakatarisana neJeriko. Ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakaramba ʋamire pasi pakawoma pakati paJoridani; ʋaIsraeri ʋose ʋakayambuka pavu rakawoma kuȿikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridani.
Joshua 3:3-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)