Joshua 3:2-3
Joshua 3:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwamazuva matatu vatungamiri vavanhu vakapinda mumisasa, vachirayira vanhu vachiti, “Pamunoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navaprista, vaRevhi, voitakura, munofanira kubva panzvimbo dzenyu moitevera.
Joshua 3:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa, vakaraira vanhu, vachiti, “Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapristi vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.
Joshua 3:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakati kwapera mazuva matatu, vatungamiriri vakapinda mumatendhe, vachiudza vanhu vachiti, “Kana mukaona vapristi, vaRevhi vatakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari wenyu, imiwo ibvai masimuka mubve pamunenge muri muritevere
Joshua 3:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matatu akati apera, ʋatariri ʋakapinda napakati pemisasa, ʋakaraira ʋanhu, ʋaciti: Kana muciʋona areka yesuŋgano yaJehova Mŋari wenyu, naʋaprista ʋaRevi ʋoitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuiteʋera.
Joshua 3:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)