Joshua 3:12-16
Joshua 3:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, sarudzai varume gumi navaviri kubva kumarudzi avaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe. Uye vaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, pavanongotsika netsoka dzavo muJorodhani, mvura yarwo inoerera ichibva kumusoro ichamira yoita murwi.” Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira. Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura, mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko.
Joshua 3:12-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe. Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.” Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu; zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,) mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kurekure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
Joshua 3:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka chisarudzai varume gumi navaviri, mumadzinza ose avaIsiraeri, murume mumwechete panzinza roga roga. Tsoka dzavapristi vanenge vakatakura bhokisi raTenzi, Tenzi wepasi pose padzichatsika mumvura yaJorodhani, mvura iyoyo yaJorodhani ichaganhuka kuerera mvura, inenge ichierera ichibva kumusoro ichaita murwi kumira.” Naizvozvo vanhu pavakasimuka paiva namatendhe avo, vachindoyambuka Jorodhani vakatungamirirwa mberi kwavo navapristi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano. Jorodhani urwu runozara mhiri nemhiri panguva yose yokukohwa. Vaprisiti vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano pavakasvika pana Jorodhani, tsoka dzavo padzakangoti tsikei mumvura, mvura yaibva nechokumusoro kwarwo yakati murwi tuku ndokusundana yakati fuse fuse kusvikura kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani. Mvura iya yaierera ichidzika narwo ichienda kugungwa reArabha, gungwa romunyu, yakabva yanyatsopararaniswa, vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
Joshua 3:12-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ɀino muɀitorerei ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri pamarudzi ose aʋaIsraeri, mumŋe mumŋe parudzi rumŋe norumŋe. Ɀino kana tsoka dzaʋaprista ʋanotakura areka yaJehova, Ishe wenyika yose, dzicitsika mumvura yaJoridani, mvura yaJoridani icagurwa, iyo mvura inobva kumsoro; icamira, ikaita murwi mukuru. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacibva pamatente aʋo, kuti ʋayambuke Joridani, ʋaprista ʋaitakura areka ʋakatuŋgamirira ʋanhu; ɀino ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋakati ʋaciȿika paJoridani, netsoka dzaʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka dzicinyikwa pamuceto wemvura, (nokuti Joridani runofashamira nhiʋi dzarwo dzose ŋguʋa yose yokukohwa,) mvura yakaŋga icibva kumsoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kuȿikira kurekure paAdama, guta riri kurutiʋi rweZaretani; neyakaŋga iciyerera kuguŋgwa reAraba, ndiro Guŋgwa roMunyu, yakagurwa cose; ʋanhu ʋakayambuka pakatarisana neJeriko.
Joshua 3:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)