Joshua 24:1-15
Joshua 24:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Joshua akaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu. Akadana vakuru vavaIsraeri, vatungamiri, vatongi, navatariri vavo vakazviisa pamberi paMwari. Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kare madzitateguru enyu pamwe chete naTera, baba vaAbhurahama naNahori, vaigara mhiri kwoRwizi vachishumira vamwe vamwari. Asi ndakatora baba wenyu Abhurahama kubva kunyika iri mhiri kweRwizi ndikamufambisa munyika yose yeKenani ndikamupa vana vazhinji. Ndakamupa Isaka, uye kuna Isaka ndakapa Jakobho naEsau. Ndakapa Esau nyika yezvikomo yeSeiri, asi Jakobho navanakomana vake vakaenda kuIjipiti. “ ‘Ipapo ndakatuma Mozisi naAroni uye ndakatambudza vaIjipita nezvandakaita ikoko, uye ndakakubudisai. Pandakabudisa madzibaba enyu muIjipiti, vakasvika pagungwa, vaIjipita vakavatevera vaine ngoro navatasvi vamabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku. Asi ivo vakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipita; akauyisa gungwa pamusoro pavo rikavafukidza. Makaona nameso enyu chaiwo zvandakaita kuvaIjipita. Ipapo makagara murenje kwenguva refu. “ ‘Ndakauya nemi kunyika yavaAmori vaigara kumabvazuva kweJorodhani. Vakakurwisai asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakavaparadza pamberi penyu, imi mukatora nyika yavo. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu, akati agadzirira kundorwa naIsraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori kuti akutukei. Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo akaramba achingokuropafadzai, ini ndikakurwirai paruoko rwake. “ ‘Ipapo makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko. Vanhu veJeriko vakarwa nemi, sezvakaitawo vaAmori, vaPerizi, vaKenani, vaHiti, vaGirigashi, vaHivhi navaJebhusi, asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakatuma mago pamberi penyu, iwo akavadzinga pamberi penyu, uyewo namadzimambo maviri avaAmori. Hamuna kuzviita nomunondo wenyu kana nouta hwenyu. Saka ndakakupai nyika yamusina kushandira namaguta amusina kuvaka; uye mugere maari uye munodya zvinobva muminda yemizambiringa nemiorivhi yamusina kusima.’ “Zvino ityai Jehovha uye mumushumire nokutendeka kwose. Rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu mhiri kworwizi nokuIjipiti, uye mushumire Jehovha. Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha.”
Joshua 24:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua akaunganidza marudzi ose avaIsiraeri paShekemu, akadana vakuru vaIsiraeri, navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo; vakazviisa pamberi paMwari. Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Madzibaba enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.’ Ini ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka. Ndikapa Isaka Jakobho naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, rive rake; Jakobho navana vake vakaburukira Ijipiti. Ndikatuma Mosesi naAroni, ndikatambudza Ijipiti, nezvandakaita pakati payo; pashure ndikakubudisai. Ndikabudisa madzibaba enyu paIjipiti, mukasvika pagungwa; vaIjipiti vakatevera madzibaba enyu vane ngoro uye navanhu vakatasva mabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku. Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita paIjipiti, mukagara murenje mazuva mazhinji. Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani; ivo vakarwa nemi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akasimuka, akarwa naIsiraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti amutuke. Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; naizvozvo ndakakurwirai paruoko rwake. Zvino makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko; varume veJeriko vakarwa nemi, vaiti: VaAmori, navaPerezi, navaKenani, navaHeti, navaGirigashi, navaHivhi, navaJebhusi; ndikavaisa mumaoko enyu. Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta hwenyu. Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima. “Naizvozvo ityai Jehovha, zvino, mumushumirei nomwoyo wose nezvokwadi; rashai vamwari vaishumira namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi napaIjipiti, imi mushumire Jehovha. Kana kuchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.”
Joshua 24:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akaunganidza madzinza ose avaIsiraeri kuShikemu. Akadaidzawo vakuru vakuru vavo navatungamiriri vavo navatongi namachinda eIsiraeri, vakauya pana Mwari. Joshuwa akataurira vanhu vose ivava achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Madzitateguru enyu aigara kumhiri kwaYufuratesi, Tera baba waAbhurahamu naNahori vainamata vamwe vamwari. Ndakazotora tateguru wenyu Abhurahamu kumhiri kwerwizi ndikamufambisa nenyika yose yeKanani ndikamupa vana vakawanda. Ndakamupa Isaki, Isaki ndikamupawo Jakobho naEsau. Ndakapa nyika yeSeiri yamakomo kuna Esau kuti ive yake, asi Jakobho navana vake vakadzika kuIjipiti. Ndakatumirako Mosesi naAroni, ndikaonesa Ijipiti nhamo nezvandakaita mukati mayo shure kwaizvozvo, ndikazokuburitsaiko. Ndakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti mukasvika kugungwa. VaIjipiti vakaronda madzibaba enyu nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo kusvikira kugungwa Dzvuku. Vakachema kuna Tenzi kuti avabatsire, akabva aisa rima rakati ndo-o pakati penyu navaIjipiti. Akaunza gungwa akavafushira naro. Imi nameso enyu makaona zvandakaita kuIjipiti. Makazogara murenje kwenguva ndefu. Ndakakuunzai kunyika yavaAmori vaigara kumhiri kwaJorodhani. Vakakurwisai, asi ndakavaisa mumaoko enyu, ndakakuparadzirai vanhu ivavo, imi mukavatorera nyika yavo kuti ive yenyu. Kwakazomuka mambo weMoabhu, Bharaki mwanakomana wavaZipori akarwisa vaIsiraeri akatumira nhume kundodaidza Bhiriamu mwanakomana waBheori kuti arengererei rushambwa. Asi ndakaramba kuteerera Bhiriamu, akatokukomborerai kwazvo kwazvo ndikakununurai mumaoko ake. Makazoyambuka Jorodhani mukasvika kuJeriko. Machinda okuJeriko akakurwisai sezvakazoitwawo navaAmori navaPerizi navaKanani navaHiti navaGirigashi navaHivhi navaJebhusi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakafanotumira madzimambo maviri aya avaAmori mweya wokutyai imi samago, vakafanokutizai. Haasi mapakatwa enyu kana miseve yenyu yakaita izvozvi. Ndakakupai minda yamusina kumbounda namaguta amusina kuvaka mamugere, muchidya zvenyu michero yeminda yemigirepisi neyemiorivhi yamusina kumbosima.’ “Saka zvino ityai Tenzi mumunamate nomwoyo wose muchokwadi, rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu kumhiri kwerwizi kuya nokuIjipiti, munamate Tenzi. Kana imi musingadi kunamata Tenzi chisarudzai nhasi uno wamunoda kunamata pana vamwari vainamatwa namadzibaba enyu kumhiri kwerwizi kana vamwari vavaAmori vomunyika ino yamugere. Asi ini nemhuri yangu tichanamata Tenzi.”
Joshua 24:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua akaʋuŋganidza marudzi ose aʋaIsraeri paShekemi, akaɗana ʋakuru ʋaIsraeri, naʋatuŋgamiriri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo, naʋatariri ʋaʋo; ʋakaɀiisa pamberi paMŋari. Joshua akati kuʋanhu ʋose: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Madziɓaɓa enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, ɓaɓa ʋaAbrahama, naNahori, acishumira ʋamŋe ʋamŋari. Ini ndikatora ɓaɓa ʋenyu Abrahama mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKanani, ndikawanza ʋana ʋake, ndikamupa Isaka. Ndikapa Isaka Jakobo naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, riʋe rake; Jakobo naʋana ʋake ʋakaɓurukira Egipita. Ndikatuma Mosesi naAroni, ndikatambudza Egipita, neɀandakaita pakati payo; pashure ndikakuɓuɗisai. Ndikaɓuɗisa madziɓaɓa enyu paEgipita, mukaȿika paguŋgwa; ʋaEgipita ʋakateʋera madziɓaɓa enyu ʋaneŋgoro ʋuye naʋanhu ʋakataȿa mabiza kuȿikira paGuŋgwa Dɀuku. Ɀino ŋguʋa yaʋakacema kunaJehova, akaisa rima pakati penyu naʋaEgipita, akaʋuyisa guŋgwa pamsoro paʋo, akaʋafukidza; meso enyu akaʋona ɀandakaita paEgipita, mukagara mureŋje mazuʋa mazhinji. Ndikakuȿitsai kunyika yaʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani; iʋo ʋakarwa nemi, ndikaʋaisa mumaʋoko enyu, nyika yaʋo ikaʋa yenyu, ndikaʋaparadza pamberi penyu. Ɀino Baraki mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi, akasimuka, akarwa naIsraeri, akatuma nhume kundoɗana Barami, mŋanakomana waBeori, kuti amutuke. Asi ini ndakaramba kunzwa Barami, naiɀoɀo wakaramba aciŋgokuropafadzai; naiɀoɀo ndakakurwirai paruʋoko rwake. Ɀino makayambuka Joridani, mukaȿika paJeriko; ʋarume ʋeJeriko ʋakarwa nemi, ʋaiti: ƲaAmori, naʋaPerezi, naʋaKanani, naʋaHeti, naʋaGirgashi, naʋaHivi, naʋaJebusi; ndikaʋaisa mumaʋoko enyu. Ndikatuma pamberi penyu mago, akaʋadziŋga pamberi penyu, iwo madzimambo maʋiri aʋaAmori; haʋana‐kudziŋgwa neminondo yenyu kana noʋuta bgenyu. Ndikakupai nyika yomusina‐kurima, namaguta amusina‐kuʋaka, mamugere ɀino; munodya minda yemizambiriŋga neyemiorivi yamusina‐kusima. Naiɀoɀo ityai Jehova ɀino, mumushumirei nomŋoyo wose neɀokwaɗi; rashai ʋamŋari ʋaishumirwa namadziɓaɓa enyu mhiri kwoRwizi napaEgipita, imi mushumire Jehova. Kana muciti ɀakaipa kushumira Jehova, ɀitsaurirei nhasi wamunoɗa kushumira, kana ʋamŋari ʋaishumirwa namadziɓaɓa enyu mhiri kwoRwizi, kana ʋamŋari ʋaʋaAmori ʋamugere munyika yaʋo; asi kana ndirini naʋeimba yaŋgu ticashumira Jehova.
Joshua 24:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)