Joshua 22:10-34
Joshua 22:10-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vasvika paGeriroti pedyo neJorodhani munyika yeKenani, vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari huru kwazvo ipapo paJorodhani. Zvino vaIsraeri vakati vanzwa kuti vakanga vavaka aritari pamuganhu weKenani paGeriroti pedyo neJorodhani kudivi reIsraeri, ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro kuti vaende kundorwa navo. Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase. Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri. Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase, vakati kwavari, “Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino. Ko, chivi chepaPeori chakanga chisina kutiringana here? Kusvikira pazuva ranhasi hatina kuzvichenesa pachivi ichocho kunyange zvazvo hasha dzakawira ungano yaJehovha! Ko, zvino mava kutsauka kubva pana Jehovha here? “ ‘Kana mukamukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yavaIsraeri. Kana nyika yamunayo yakasvibiswa, yambukirai kuno kunyika yaJehovha, kwakamira tabhenakeri yaJehovha mugogovana nyika nesu. Asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe aritari parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wedu. Akani mwanakomana waZera paakadarika nokusatenda pachinhu chakatsaurwa naJehovha, kutsamwa hakuna kuwira ungano yose yaIsraeri here? Haasi iye oga akafira chivi chake.’ ” Ipapo Rubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase vakapindura vakuru vedzimba dzaIsraeri vakati, “Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Anoziva! Uye Israeri ngaizive! Kana izvi kwanga kuri kumukira kana kusateerera Jehovha, musatiponesa nhasi. Kana takazvivakira aritari yedu kuti tifuratire Jehovha uye kuti tipe zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, kana kuti tibayire zvibayiro zvokuwadzana pamusoro payo, Jehovha pachake ngaatitonge. “Kwete! Takazviita tichitya kuti rimwe zuva zvizvarwa zvenyu zvichazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Mune chii chokuita naJehovha Mwari waIsraeri? Jehovha akaita kuti Jorodhani uve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni navaGadhi! Hamuna mugove muna Jehovha.’ Saka zvizvarwa zvenyu zvingangokonzera kuti zvizvarwa zvedu zvirege kutya Jehovha. “Ndokusaka takati, ‘Ngatizvigadzirirei tivake aritari, asi isiri yezvipiriso zvinopiswa kana yezvibayiro.’ Asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi uye napakati pezvizvarwa zvedu zvinotevera, kuti tichanamata Jehovha panzvimbo yake tsvene, nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro uye nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo panguva inouya zvizvarwa zvenyu hazvingazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Hamuna mugove muna Jehovha.’ “Uye isu tikati, ‘Kana vakazotaura izvo kwatiri, kana kuzvizvarwa zvedu, tichazopindura tichiti: Tarirai muone mufananidzo wearitari yaJehovha, wakaitwa namadzibaba edu; usiri wezvipiriso zvinopiswa kana wokubayira ipapo, asi sechapupu pakati pedu nemi.’ “Ngazvirege kutomboitika kuti isu timukire Jehovha tichitsauka nhasi kubva kwaari nokuvaka aritari yezvipiriso zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, nezvibayiro kunze kwearitari yaJehovha Mwari wedu, imire pamberi petabhenakeri yake.” Finehasi muprista, navatungamiri veungano, vakuru vemhuri dzavaIsraeri, vakati vanzwa zvakanga zvataurwa naRubheni naGadhi naManase, vakafara. Zvino Finehasi mwanakomana waEreazari, muprista, akati kuna Rubheni, Gadhi naManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kutadzira Jehovha pachinhu ichi. Zvino madzikinura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.” Ipapo Finehasi, mwanakomana waEreazari muprista, navatungamiri vakadzokera kuKenani, vachibva kumusangano wavo navaRubheni navaGadhi muGireadhi uye vakandozivisa vaIsraeri zvakanga zvaitika. Vakafara kunzwa shoko iri vakarumbidza Mwari. Uye havana kuzotaurazve kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika yakanga igere vaRubheni navaGadhi. Zvino vaRubheni navanakomana vaGadhi vakatumidza aritari iyi kuti: Aritari yeChapupu Pakati Pedu kuti Jehovha ndiye Mwari.
Joshua 22:10-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vasvika panyika yapaJorodhani, munyika yeKenani, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka atari paJorodhani, atari huru kana ichionekwa. Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, “Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka atari pakatarisana neKenani, panyika yapaJorodhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri.” Zvino vana vaIsiraeri vakati vachinzwa izvozvo, ungano yose yavana vaIsiraeri vakaungana paShiro, kuti vaende kundorwa navo. Ipapo vana vaIsiraeri vakatuma Pinehasi, mwanakomana womupristi Ereazari, kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGireadhi, iye namachinda ane gumi naye, muchinda mumwe weimba imwe neimwe yamadzibaba pakati pamarudzi avaIsiraeri; mumwe nomumwe wavo wakanga ari mukuru wedzimba dzamadzibaba avo pakati pezviuru zvavaIsiraeri. Ivo vakasvika kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGireadhi, vakataura navo, vakati, “Zvanzi neungano yaJehovha, ‘Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nokuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira atari, kuti mumukire Jehovha nhasi?’ Ko zvakaipa zvePeori zvigere kutiringana here, izvo zvatichigere kuzvinatsa pazviri kusvikira zuva ranhasi, kunyange hosha yakawira ungano yaJehovha, zvamoda kutsauka nhasi pakutevera Jehovha? Zvino zvamakamukira Jehovha nhasi, mangwana uchatsamwira ungano yose yaIsiraeri. Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, kuti mupiwe nhaka pakati pedu; asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe atari parutivi rweatari yaJehovha Mwari wedu. Ko Akani, mwanakomana waZera, haana kudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukawira ungano yose yaIsiraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake.” Ipapo vana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakapindura, vakati kuvakuru vezviuru vavaIsiraeri, “Mwari, iye Mwari Jehovha, Mwari, iye Mwari Jehovha, iye unoziva, naIsiraeri vachaziva; kana takamukira Jehovha, kana kumudarikira, (musatiponesa nhasi,) zvatakazvivakira atari, kuti titsauke tirege kutevera Jehovha; kana takazviita kuti tibayire pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa, kana zvipiriso zvoupfu, kana kubayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Jehovha amene ngaabvunzisise pamusoro pazvo; azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, ‘Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu,’ vachiti, ‘Imi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?’ Nokuti Jehovha wakaita Jorodhani muganhu pakati pedu nemi, imi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha. Saka takati, ‘Ngatizvigadzire, tizvivakire atari, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa’, kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, ‘Hamuna mugove kuna Jehovha.’ Naizvozvo takati, ‘Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya,’ isu tichati, ‘Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.’ Mwari atibatsire, tirege kumukira Jehovha, nokutsauka nhasi pakutevera Jehovha, tichavaka atari yezvipiriso zvinopiswa neyezvipiriso zvoupfu, kana yokubayirapo, parutivi rweatari yaJehovha, Mwari wedu, iri pamberi petabhenakeri yake.” Zvino Pinehasi mupristi, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo. Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana vaIsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.” Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGireadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro. Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi. Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi vakatumidza atari iyo: Ndicho chapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiye Mwari.
Joshua 22:10-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakasvika kunharaunda yokuna Jorodhani munyika yeKanani, vokwaRubheni novokwaManase vakavaka atari huru kwazvo munyasi maJorodhani. Pazvakasvika munzeve dzavamwe vavo vaIsiraeri zvichinzi, “Hezvoka, vokwaRubheni nevokwaGadhi vaya nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase chiya vavaka atari kumuganhu wenyika yeKanani kunharaunda yokunaJorodhani kumhiri ino munyika yavaIsiraeri.” VaIsiraeri pavakazvinzwa, gungano rose ravaIsiraeri rakakokorodzana kuShiro kundovarwisa. VaIsiraeri vakatumira Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari kune vedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nokune chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase riya kunyika yeGireadhi. Akaenda navatungamiriri gumi, mutungamiriri mumwechete mumwechete pamadzinza gumi avaIsiraeri. Mumwe nomumwe wavo aiva mukuru mukuru wemhuri mumadzinza avaIsiraeri. Vakasvika kune vokwaRubheni nevokwaGadhi nevechimwe chikamu chiya chevokwaManase kunyika yeGireadhi, vakati kwavari, “Chinzwai zvarehwa negungano rose raTenzi, zvanzi, ‘Ko madarirei kupandukira Mwari wavaIsiraeri kudai, motsauka kuna Tenzi nhasi nokutozvivakira zvenyu atari muchipandukira Tenzi? Ko mhosva iya yechitadzo chokuPeori munoti haina kukwana here? Inga mhosva yacho hatisati taishamba wani kusvikira pari nhasi uno. Ndiyo yakaunza denda pagungano raTenzi. Zvamava kutosiyana zvenyu nhasi uno naTenzi. Zvino kana imi mukapandukira Tenzi nhasi uno, mangwana achashatirirwa gungano rose ravaIsiraeri. Ko, kana maona kuti nyika yenyu ino yakan'ora madii kusva mayambukira zvenyu kunyika yaTenzi kune tendhe raTenzi muwane nyika mukati medu. Asi chete musapandukire Tenzi, kana kupandukira isu muchitozvivakira zvenyu atari isiri atari yaTenzi, Mwari wedu. Handiti Akani mwanakomana waZera akapara chitadzo panyaya yezvinhu zvakanga zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe. Chitadzo chacho hachina here kupfukira gungano rose ravaIsiraeri? Haasiri iye woga akafa pamusana pechitadzo chake.’ ” VokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase ndokupindura vatungamiriri vaya vemhuri dzavaIsiraeri vachiti, “Tenzi, Samasimbaose, ndiye Mwari! Iye Tenzi, Samasimbaose, ndiye Mwari. Ndiye anoziva navaIsiraeri pachavo ngavazivewo kana izvozvi takazviita noumhandupandu kana kuti nokusatendeka kuna Tenzi musatirege tiri vapenyu nhasi uno. Kana takazvivakira atari iyi kuti tikande pasi zvokutevera Tenzi kana kuti tipire pairi mupiro wokupisa, kana kupira pairi mipiro yembesanwa kana mipiro yokuwadzana, Tenzi pachake ngaatitsividze. Aiwa. Takangozviita tichityira kuti, mune ramangwana vana venyu vanozokonora vana vedu vachiti, ‘Muneiwo zvenyu naTenzi, Mwari wavaIsiraeri. Handiti Tenzi akaisa Jorodhani urwu kuti ruve muganhu pakati pedu nemi vokwaRubheni nevokwaGadhi, chenyu muna Tenzi hapana.’ Saka vana venyu vangazoregesa vana vedu kunamata Tenzi. Ndokusaka takati, ‘Ngatidai izvi, ngativakei atari isiri yomupiro wokupisa kana yechibayiro, asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi, uyewo chigozova chapupu pakati pezvizvarwa zvedu zvichauya.’ Chive chinhu chokutipupurira kuti isuwo tinonamata Tenzi kunzvimbo yake tsvene nemipiro yedu yokupisa nezvibayiro zvedu nemipiro yedu yokuwadzana tichiitira kuti mangwana vana venyu vanozoti ‘Chenyu muna Tenzi hapana.’ Takati kana vakawana zvavanozotaura kwatiri, isu tichazoti, ‘Onaika atari iyo yakaita seyaTenzi yakavakwa namadzibaba edu isiri yemipiro yokuwadzana kana yechibayiro asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi.’ Hazvimbofa zvakaitika kuti isu tipandukire Tenzi tokanda pasi nhasi zvokumutevera Tenzi tava kutovaka zvedu atari yomupiro wokupisa kana mupiro wembesanwa kunyange yechibayiro tichisiya atari yaTenzi, Mwari wedu iri kumusuo wetendhe rinoera!” Mupristi Finehasi navatungamiriri vegungano, navakuru vakuru vemhuri dzavaIsiraeri vaaiva navo pavakanzwa zvakataurwa nevokwaRhubheni nevokwaGadhi nevokwaManase, vakafadzwa nazvo. Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari akataurira vokwaRubheni nevokwaGadhi nevokwaManase achiti, “Nhasi tazoziva kuti Tenzi ari pakati pedu nokuti hamuna kuzviita muchipandukira Tenzi. Zvino mazonunura vaIsiraeri mumaoko aTenzi. Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari navatungamiriri vaya vakadzokera zvavo kunyika yeKanani neshoko kuvaIsiraeri vachibva kunyika yeGereadhi kune vokwaRubheni nevokwaGadhi. Shoko iroro rakafadza vaIsiraeri. VaIsiraeri vakarumbidza Tenzi uye havana kana kuzotaura nezvokuvarwisa muhondo kuti vaparadze nyika yaigara vokwaRubheni nevokwaGadhi. VokwaRubheni nevokwaGadhi vaya vakatumidza atari iya kuti chapupu vachiti, ‘Ndiyo chapupu pakati pedu chokuti Tenzi ndiMwari.’ ”
Joshua 22:10-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋaȿika panyika yapaJoridani, munyika yeKanani, ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase ʋakaʋaka artari paJoridani, artari huru kana iciʋonekwa. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakanzwa, ɀicinzi: Tarirai, ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase ʋaʋaka artari pakatarisana neKanani, panyika yapaJoridani, kurutiʋi rwaʋana ʋaIsraeri. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana paShiro, kuti ʋaende kundorwa naʋo. Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakatuma Pinehasi, mŋanakomana womuprista Ereazari, kuʋana ʋaRubeni, nokuʋana ʋaGadi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGireadi; iye namacinda anegumi naye, mucinda mumŋe weimba imŋe neimŋe yamadziɓaɓa pakati pamarudzi aʋaIsraeri; mumŋe nomumŋe waʋo wakaŋga ari mukuru wedzimba dzamadziɓaɓa aʋo pakati peɀuru ɀaʋaIsraeri. Iʋo ʋakaȿika kuʋana ʋaRubeni, nokuʋana ʋaGadi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGireadi, ʋakataura naʋo, ʋakati: Ɀanzi neʋuŋgano yaJehova: Kuɗarika uku kwamakaɗarikira Mŋari waIsraeri nako kwakaɗiniko, nokuti munotsauka nhasi pakuteʋera Jehova, ɀamakaɀiʋakira artari, kuti mumukire Jehova nhasi? Ko ɀakaipa ɀePeori ɀigere kutiriŋgana here, iɀo ɀaticigere kuɀinatsa paɀiri kuȿikira zuʋa ranhasi, kunyaŋge hosha yakawira ʋuŋgano yaJehova, ɀamoɗa‐kutsauka nhasi pakuteʋera Jehova? Ɀino ɀamakamukira Jehova nhasi, maŋgwana ucatsamŋira ʋuŋgano yose yaIsraeri. Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehova, pagere tabernakeri yaJehova, kuti mupiwe nhaka pakati peɗu; asi regai kumukira Jehova, kana kutimukira isu, pakuɀiʋakira imŋe artari parutiʋi rweartari yaJehova Mŋari weɗu. Ko Akani, mŋanakomana waZera, haana‐kuɗarika pacinhu cakayeriswa, kutsamŋa kukawira ʋuŋgano yose yaIsraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake. Ipapo ʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase ʋakapindura, ʋakati kuʋakuru ʋeɀuru ʋaʋaIsraeri: Mŋari, iye Mŋari Jehova, Mŋari, iye Mŋari Jehova, iye unoziʋa, naIsraeri ʋacaziʋa; kana takamukira Jehova, kana kumuɗarikira, (musatiponesa nhasi,) ɀatakaɀiʋakira artari, kuti titsauke tirege kuteʋera Jehova; kana takaɀiita kuti tiɓayire pamsoro payo ɀipiriso ɀinopiswa, kana ɀipiriso ɀoʋupfu, kana kuɓayira’po ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, Jehova amene ŋgaabvunzisise pamsoro paɀo; aziʋe kana tisina‐kuita cinhu ici nokucenjera ʋuye nokufuŋga, ticiti: Ɀimŋe paŋguʋa inoʋuya ʋana ʋenyu ʋacataura naʋana ʋeɗu, ʋaciti: Imi munemhaka yeiko naJehova Mŋari waIsraeri? Nokuti Jehova wakaita Joridani muganho pakati peɗu nemi, imi ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi; hamunomugoʋe kunaJehova; naiɀoɀo ʋana ʋenyu ʋaŋgaregesa ʋana ʋeɗu kutya Jehova. Saka takati: Ŋgatiɀigadzire, tiɀiʋakire artari, isati iri yeɀipiriso ɀinopiswa, kana yokuɓayira’po; asi ciʋe capupu pakati peɗu nemi, napakati paʋana ʋeɗu ʋanotiteʋera, kuti ticaita ɓasa raJehova pamberi pake neɀipiriso ɀeɗu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɗu, neɀipiriso ɀeɗu ɀokuyananisa, kuti ʋana ʋenyu ʋarege kuzoti kuʋana ʋeɗu paŋguʋa inoʋuya: Hamunomugoʋe kunaJehova. Naiɀoɀo takati: Kana ʋacizoɗaro kwatiri kana kuʋana ʋeɗu paŋguʋa inoʋuya, isu ticati: Tarirai muʋone mufananidzo weartari yaJehova, yakaitwa namadziɓaɓa eɗu, isati iri yeɀipiriso ɀinopiswa, kana yokuɓayira’po; asi capupu pakati peɗu nemi. Mŋari atiɓatsire, tirege kumukira Jehova, nokutsauka nhasi pakuteʋera Jehova, ticiʋaka artari yeɀipiriso ɀinopiswa neyeɀipiriso ɀoʋupfu, kana yokuɓayira’po, parutiʋi rweartari yaJehova, Mŋari weɗu, iri pamberi petabernakeri yake. Ɀino Pinehasi muprista, namacinda eʋuŋgano, iʋo ʋakuru ʋeɀuru ɀaʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋanaye, ʋakati ʋanzwa mashoko akataurwa naʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, naʋana ʋaManase, ʋakafara naɀo. Pinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, akati kuʋana ʋaRubeni, nokuʋana ʋaGadi, nokuʋana ʋaManase: Nhasi tinoziʋa kuti Jehova uri pakati peɗu, nokuti hamuna‐kuɗarikira Jehova pacinhu ici; makarwira ʋana ʋaIsraeri ɀino paruʋoko rwaJehova. Ipapo Pinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, namacinda ʋakabva kuʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi, panyika yeGireadi, ʋakadzokera kunyika yeKanani, kuʋana ʋaIsraeri, ʋakaʋadzosera shoko iro. Ɀino shoko iro rakafadza ʋana ʋaIsraeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakakudza Mŋari; haʋana‐kuzotaura kuti ʋacandorwa naʋo, kuti ʋaparadze nyika makaŋga mugere ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi. Ɀino ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi ʋakatumidza artari iyo: Ndico capupu pakati peɗu, kuti Jehova ndiye Mŋari.
Joshua 22:10-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)