Joshua 2:9-10
Joshua 2:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
ndokuti kwavari, “Ndinozviziva kuti Jehovha akupai nyika ino, uye kuti kutyiwa kwenyu kukuru kuri pamusoro pedu, zvokuti vose vanogara munyika muno vari kubvunda nokutya nokuda kwenyu. Takanzwa maomeserwo akaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naJehovha nokuda kwenyu pamakabuda muIjipiti, uye zvamakaita kuna Sihoni naOgi, madzimambo maviri avaAmori kumabvazuva kweJorodhani, avo vamakaparadza zvachose.
Joshua 2:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akati kuvarume, “Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu. Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose.
Joshua 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
akati kuvarume ivavo, “Chandinoziva ndechokuti, Tenzi akakupai nyika ino uye tiri kukutyai chaizvo, vanhu vose vomunyika ino vari kukutyai. Chandinodariro ndechichi chokuti, takanzwa zvokuomesa kwakaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naTenzi mberi kwenyu pamaibva kuIjipiti, tikanzwawo zvokuparadza kwamakaita Sihoni naOgu, madzimambo maviri avaAmori, kumhiri kwaJorodhani.
Joshua 2:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akati kuʋarume: Ndinoziʋa kuti Jehova wakakupai nyika, tinokutyai kwaɀo, ʋanhu ʋose ʋagere munyika ʋavunduka pamberi penyu. Nokuti takanzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yeGuŋgwa Dɀuku pamberi penyu, ŋguʋa yokuɓuɗa kwenyu Egipita, neɀamakaitira madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, iʋo Sihoni naOgi, ʋamakaparadza cose.
Joshua 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)