Joshua 2:8-11
Joshua 2:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vasori vasati varara, iye akakwira padenga remba, ndokuti kwavari, “Ndinozviziva kuti Jehovha akupai nyika ino, uye kuti kutyiwa kwenyu kukuru kuri pamusoro pedu, zvokuti vose vanogara munyika muno vari kubvunda nokutya nokuda kwenyu. Takanzwa maomeserwo akaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naJehovha nokuda kwenyu pamakabuda muIjipiti, uye zvamakaita kuna Sihoni naOgi, madzimambo maviri avaAmori kumabvazuva kweJorodhani, avo vamakaparadza zvachose. Patakazvinzwa mwoyo yedu yakarukutika, uye hapana akasara nokutsunga maari nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga napasi panyika.
Joshua 2:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga, akati kuvarume, “Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu. Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose. Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo mwoyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamwoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.
Joshua 2:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vasati vavata, mukadzi uyu akakwira padenga pavaiva vari, akati kuvarume ivavo, “Chandinoziva ndechokuti, Tenzi akakupai nyika ino uye tiri kukutyai chaizvo, vanhu vose vomunyika ino vari kukutyai. Chandinodariro ndechichi chokuti, takanzwa zvokuomesa kwakaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naTenzi mberi kwenyu pamaibva kuIjipiti, tikanzwawo zvokuparadza kwamakaita Sihoni naOgu, madzimambo maviri avaAmori, kumhiri kwaJorodhani. Patakazvinzwa takadedera, tikarasa mwoyo pamusana penyu nokuti Tenzi, Mwari wenyu ndiye Mwari kudenga kumusoro, napanyika pasi pano.
Joshua 2:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋacigere kuʋata, Rakabi ndokukwira kwaʋari pamsoro peɗeŋga, akati kuʋarume: Ndinoziʋa kuti Jehova wakakupai nyika, tinokutyai kwaɀo, ʋanhu ʋose ʋagere munyika ʋavunduka pamberi penyu. Nokuti takanzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yeGuŋgwa Dɀuku pamberi penyu, ŋguʋa yokuɓuɗa kwenyu Egipita, neɀamakaitira madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, iʋo Sihoni naOgi, ʋamakaparadza cose. Ɀino pakarepo takati ticinzwa iɀoɀo mŋoyo yeɗu ikavunduka, hakunomunhu ucinokutsuŋga pamŋoyo pake nokuɗa kwenyu, nokuti Jehova Mŋari wenyu, ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi.
Joshua 2:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)