Joshua 2:1-6
Joshua 2:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma vasori vaviri muchivande kubva kuShitimu. Akati, “Endai munotarisa nyika, kunyanya Jeriko.” Naizvozvo vakaenda vakandopinda mumba mechifeve chainzi Rahabhi vakagaramo. Zvino mambo weJeriko akaudzwa kuti, “Tarirai! Kune vamwe vaIsraeri vauya muno manheru anhasi kuzosora nyika.” Naizvozvo mambo weJeriko akatumira shoko kuna Rahabhi achiti, “Budisa varume vauya kwauri vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzosora nyika yose.” Asi mukadzi uyu akanga atora varume vaviri vaya akavavanza. Iye ndokuti, “Ichokwadi, varume ava vakauya kwandiri, asi handina kuziva kuti vakanga vabvepi. Zvino kwati zvarara yava nguva yokupfiga suo reguta, varume ava vakaenda. Handizivi kuti vakaenda vakanangepi. Vateverei nokukurumidza, pamwe mungangovabata.” (Asi iye akanga avatora ndokuvaisa pamusoro pemba ndokuvavanza mumashanga aakanga aunganidza pamusoro pemba.)
Joshua 2:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, “Endai mundotarira nyika neJeriko.” Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo. Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika.” Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, “Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose.” Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, “Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi. Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata.” Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi poutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.
Joshua 2:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa, mwanakomana waNuni, akatuma varume vaviri vachibva kuShitimu kundosora muchiverevere achiti, “Endai mundoongorora nyika iyo, zvikurukuru muongorore Jeriko.” Vakaenda, vakasvikira mumba mepfambi yainzi Rahabhu, vakararamo. Mambo weJeriko akataurirwa kuti, “Kune vamwe varume vechiIsiraeri vauya muno kuzosora nyika ino.” Ipapo mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rahabhu rokuti, “Buritsa varume vauya kwauri vapinda mumba mako nokuti vauya kuzosora nyika yose.” Asi mukadzi uyu akatora varume ava akavahwandisa akati, “Ichokwadi, varume ivavo vauya kwandiri, asi handina kuziva kwavanobva nako. Kuzoti kwasviba, tave kupfiga suo guru reguta, varume ivavo vabva vaenda. Zvino handisi kuziva kwavaenda nako. Vateverei nokukurumidza, munotovabata.” Asi iye akanga avakwidza padenga remba akavahwandisa mumashanga efurakisi aakanga arongerera pamusoro pemba.
Joshua 2:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakatuma ʋarume ʋaʋiri pakaʋanda, ʋacibva Shitimi, kuti ʋandoshora, aciti: Endai mundotarira nyika neJeriko. Ʋakaenda, ʋakapinda muimba yecifeʋe, cainzi Rakabi, ʋakaʋata’po. Ɀino mambo weJeriko akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, ʋarume ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakapinda muno ʋusiku bguno kuzoshora nyika. Ɀino mambo weJeriko akatuma shoko kunaRakabi, akati: Ƃuɗisa ʋarume ʋakaȿika kwauri, ʋapinda mumba mako, nokuti ʋaʋuya kuzoshora nyika yose. Mukadzi akatora ʋarume aʋo ʋaʋiri, akaʋaʋanza, akati: Hoŋo, ʋarume ʋakaȿika haʋo kwandiri, asi ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ʋaibve’pi. Ɀino neŋguʋa yokupfigwa kwesuʋo, kwaȿiɓa, ʋarume ʋakaɓuɗa ɀe; kwaʋakazoenda iʋo ʋarume, ini handikuziʋi; kurumidzai kuʋateʋera, nokuti muŋgandoʋaɓata. Asi wakaŋga aʋakwidza pamsoro peɗeŋga, akaʋaʋanza pasi poʋutanda bgamasosoʋori, bgakaŋga bgakaroŋgwa naye paɗeŋga.
Joshua 2:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)