Joshua 15:13-19
Joshua 15:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.) Karebhu akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki vaiti Sheshai, Ahimani naTarimani zvizvarwa zvaAnaki kubva paHebhuroni. Kubva ipapo akandorwa navanhu vaigara kuDhebhiri (yaimbonzi Kiriati Seferi). Karebhu akati, “Munhu anorwa neKenati Seferi akarikunda ndichamupa mukunda wangu, Akisa ave mukadzi wake.” Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake. Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?” Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.
Joshua 15:13-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati‐abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni). Karebhu akadzingapo vanakomana vatatu vaAnaki, vaiti: Sheshai, naAhimani, naTamai, vanakomana vaAnaki. Akabvapo, akandorwa navaigara Dhebhiri; zita reDhebhiri kare raiva Kiriati‐seferi. Karebhu akati, “Munhu unorwa neKiriati‐seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake.” Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, mun’una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake. Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, “Unoreveiko?” Akati, “Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura.” Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.
Joshua 15:13-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mukati mevedzinza rokwaJudha, Joshuwa akapa Karebhu mwanakomana waJefune guta reKiriatiaribha, ndirowo reHebhuroni, sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. (Aribha iyeyu aiva baba waAnaki.) Karebhu akadzingamo vanakomana vavaAnaki vatatu ava vanoti: Sheshai naAhimani naTarimai munyika yavo. Achibva ipapo akandorwisa vagari vokuDhebhiri. Kare guta reDhebhiri raimbonzi Kiriatiseferi. Karebhu akati, “Anenge andorwisa akakurira guta reKiriatisefari ndichamupa Akesa mwanasikana wangu kuti ave mukadzi wake.” Otinieri mwanakomana waKenazi munun'na waKarebhu akandorikurira. Ndokubvawo amupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake. Akesa paakauya kwaari akamukurudzira kuti akumbire baba vake munda. Akesa akaburuka padhongi rake. Karebhu ndokumubvunza achiti, “Unodeiko mwanangu?” Iye ndokupindura achiti, “Zvamakandipa nyika yokuNegevhu, ndiitireiwo mwoyochena mundipewo nezvisipiti zvemvura.” Karebhu ndokumupa zvisipiti zvoko zvokumusoro nezvisipiti zvoko zvezasi.
Joshua 15:13-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi wakapa Karebi, mŋanakomana waJefune mugoʋe pakati paʋana ʋaJuda; seɀakarairwa Joshua naJehova, akamupa Kiriati‐arba; Arba wakaŋga ari ɓaɓa ʋaAnaki (ndiro Hebroni). Karebi akadziŋga’po ʋanakomana ʋatatu ʋaAnaki, ʋaiti: Sheshai, naAhimani, naTarmai, ʋanakomana ʋaAnaki. Akabva’po, akandorwa naʋaigara Debiri; zita reDebiri kare raiʋa Kiriati‐seferi. Karebi akati: Munhu unorwa neKiriati‐seferi, akarikunda, ndicamupa mukunda waŋgu Aksa, aʋe mukadzi wake. Ipapo Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Aksa, akaʋa mukadzi wake. Ɀino iye wakati aciȿika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kunaɓaɓa ʋake; ɀino iye akaɓuruka pamboŋgoro yake, Karebi akati kwaari: Unoreʋeiko? Akati: Ndipei cipo; ɀamakandiisa kunyika yezasi, ndipei ʋo matsime emvura. Akamupa matsime okumsoro namatsime ezasi.
Joshua 15:13-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)