Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 14:6-12

Joshua 14:6-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, “Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mosesi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi‐bharinea. Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMosesi muranda waJehovha paKadheshi‐bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini. Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza mwoyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose. Mosesi akapika nomusi uyo, akati, ‘Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’ Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mosesi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu. Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda. Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 14

Joshua 14:6-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋana ʋaJuda ʋakasweɗera kunaJoshua paGirgari, Karebi mŋanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari: Unoziʋa shoko rakataurwa naJehova kunaMosesi munhu waMŋari, pamsoro paŋgu napamsoro pako, paKadeshi‐barnea. Ini ndakaŋga ndaȿika makore anamakumi manna ŋguʋa yandakatumŋa naMosesi muranda waJehova paKadeshi‐barnea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari seɀandakafuŋga ini. Asi hama dzaŋgu dzakaŋga dzakwira neni dzakaʋodza mŋoyo yaʋanhu; asi ini ndakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wose. Mosesi akapika nomusi uyo, akati: Ɀirokwaɀo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, icaʋa nhaka yako neyaʋana ʋako nokusiŋgaperi, nokuti wakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wako wose. Ɀino tarira, Jehova wakandiceŋgeta ndiri mupenyu, seɀaakataura, makore ano anamakumi manna namashanu kubva paŋguʋa Jehova yaakataura shoko iri kunaMosesi, ʋaIsraeri ʋacafamba murenje; ɀino, tarira, nhasi ndaʋa namakore anamakumi masere namashanu. Kunyaŋge ɀakaɗaro, nanhasi ndicinesimba seɀandakaŋga ndakaita nomusi wandakatumŋa naMosesi; seɀarakaŋga rakaita musi iwoyo, ndiɀo ɀakaita simba raŋgu nanhasi, kana rokurwa kana kuɓuɗa kana kupinda. Naiɀoɀo ɀino cindipa nyika iyi yamakomo yakarebga naJehova musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti ʋaAnaki ʋakaŋga ʋari’po namaguta makuru anamaȿiŋgo; ɀimŋe Jehova ucaʋa neni, ndikagona kuʋadziŋga, seɀakataurwa naJehova.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 14