Joshua 14:11
Joshua 14:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo.
Joshua 14:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare.
Joshua 14:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMosesi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.
Joshua 14:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo.
Joshua 14:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, nanhasi ndicinesimba seɀandakaŋga ndakaita nomusi wandakatumŋa naMosesi; seɀarakaŋga rakaita musi iwoyo, ndiɀo ɀakaita simba raŋgu nanhasi, kana rokurwa kana kuɓuɗa kana kupinda.