Joshua 13:1-32
Joshua 13:1-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa. “Iyi ndiyo nyika yasara: nyika dzose dzavaFiristia, navaGeshuri: “Kubva kuRwizi rweShihori kumabvazuva kweIjipiti, kusvikira kudunhu reEkironi nechokumusoro, iyo yose yainzi ndeyavaKenani (matunhu amadzishe mashanu avaFiristia muGaza, Ashidhodhi, Ashikeroni, Gati, neEkironi yavaAvhiti); kubva zasi nyika yose yavaKenani, kubva kuAra yevaSidhoni kusvikira kuAfeki, nyika yavaAmori, nenyika yavaGebhari, uye neRebhanoni yose kumabvazuva, kubva paBhaari Gadhi muzasi meGomo reHemoni, kusvikira paRebho Hamati. “Kana vari vanhu vose vanogara munyika dzamakomo kubva kuRebhanoni kusvika kuMisirefoti Maimi, zvichireva vaSidhoni vose, ini pachangu ndichavadzinga pamberi pavana vaIsraeri. Unofanira kugovera nyika iyi kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo sezvandakurayira, uye ugoigovanisa senhaka pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase.” Imwe hafu yaManase, navaRubheni navaGadhi, vakanga vagamuchira nhaka yavakanga vapiwa naMozisi kumabvazuva kweJorodhani, sokuvagovera kwaakanga aita, iye muranda waJehovha. Yaibva kuAroeri nechokumusoro kwomupata weArinoni ichibvawo kuguta riri pakati pomupata, zvichibatanidzira bani rose reMedhebha kusvikira kuDhibhoni, uye maguta ose aSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavaAmoni. Yaibatanidzirawo Gireadhi, nenyika yavanhu veGeshuri neMaaka neGomo rose reHemoni uye neBhashani kusvikira kuSareka, zvichireva umambo hwose hwaOgi muBhashani, akanga akambotonga muAshitaroti neEdhirei uye akanga apunyuka akava mumwe wavakanga vasara pakati pavaRefaiti. Mozisi akanga avakunda akavatorera nyika yavo. Asi vaIsraeri havana kudzinga vanhu veGeshuri neMaaka, naizvozvo vagere pakati pavaIsraeri kusvikira nhasi. Asi kurudzi rwaRevhi haana kupa nhaka, sezvo zvipiriso zvaiitwa nomoto kuna Jehovha Mwari waIsraeri, zviri izvo nhaka yavo, sezvaakavavimbisa. Iyi ndiyo nhaka yakanga yapiwa rudzi rwaRubheni naMozisi, mhuri nemhuri: Nyika yose kubva kuAroeri, nechokumucheto kwoMupata weArinoni, uye kubva muguta pakati pomupata, bani rose kupfuura Medhebha kusvikira kuHeshibhoni namaguta ose ari mubani, kusanganisa Dhibhoni, Bhamoti Bhaari, Bheti Bhaari Meoni, Jahazi, Kedhemoti, Mefaati, Kiriataimi, Sibhima Zereti Shahari pachikomo chiri mumupata, Bheti-Peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti Jeshimoti, anova maguta ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, uyo aitonga paHeshibhoni. Mozisi akanga amukunda pamwe chete namadzishe eMidhiani vaiti Evhi, Rekemu, Zuri, Huri, naRebha, machinda aibatsirana naSihoni, akanga agere munyika iyoyo. Kuchiverengwa navaya vakanga vaurayiwa muhondo, vaIsraeri vakanga vauraya nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori uyo aiita zvokuvuka. Muganhu wavaRubheni wakanga uri mahombekombe erwizi rweJorodhani. Maguta aya nemisha yawo ndiwo aiva nhaka yavaRubheni mhuri nemhuri. Izvi ndizvo zvakapiwa rudzi rwavaGadhi naMozisi, mhuri nemhuri: Nyika yeJazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavaAmoni, kusvikira kuAroeri, pedyo neRabha; nokubva kuHeshibhoni, kusvikira kuRamati Mizipa neBhetonimu, uye kubva kuMabhanaimu kusvika kunyika yeDhebhiri; nomumupata, Bheti Haramu, Bheti Nimura, Sukoti neZafoni nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni mambo weHeshibhoni, (kumabvazuva kweJorodhani nenyika inosvika panogumira Gungwa reKinereti). Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yavaGadhi, mhuri nemhuri. Izvi ndizvo zvakanga zvapiwa hafu yorudzi rwaManase naMozisi, ndiko kuti, kuhafu yemhuri yezvizvarwa zvaManase, mhuri nemhuri: Nyika yavo yaibva paMahanaimi, ichibatanidzira neBhashani yose, noushe hwose hwaOgi mambo weBhashani nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu; hafu yeGireadhi, neAshitaroti neEdhirei, (maguta oushe hwaOgi muBhashani). Iyi ndiyo yaiva nhaka yezvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase, zvehafu yavanakomana vaMakiri, mhuri nemhuri. Ndiyo nhaka yakagoverwa naMozisi pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva kweJeriko.
Joshua 13:1-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, “Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu. Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose; kubva paShihori kurutivi rweIjipiti, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKenani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi, kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKenani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori; nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari‐gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati; vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira. Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.” VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMosesi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMosesi, muranda waJehovha; kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni; namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni; neGireadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka, noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMosesi vakadzingwa naye. Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati; asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi. Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye. Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo. Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha; Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti‐bhaari, neBheti‐bhaari‐meoni; neJahazi, neKedhemoti, neMefahati; neKiriataimi, neSibhima, neZereti‐shahari mugomo romupata; neBheti‐peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti‐jeshimoti; namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMosesi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo. Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo. Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jorodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo. Mosesi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo. Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha; nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati‐mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri; nomumupata Bheti‐harami, neBheti‐nemura, neSukoti, neZafoni, noumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJorodhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva. Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo. Mosesi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo. Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu; nehafu yeGireadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo. Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMosesi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva.
Joshua 13:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Joshuwa akanga akwegura zvokunyatsochemberawo, Tenzi ndokumutaurira achiti, “Wakwegura, makore ako oupenyu ayendedzana, asi kuchine nyika huru kwazvo yokutora kuti ive yenyu. Kuchine nyika huru yamusati matora: kunoti matunhu ose zvawo avaFirisitia, nenyika yose yavaGeshuri namatunhu ose avaGeshuri, (zvichitangira kuShihori kumabvazuva kweIjipiti kusvikira kuchamhembe kumuganho weEkironi, inonzi ndeyevaKanani. Kune vatongi vashanu vechiFirisitia vanoti wokuGaza nowokuAshidhodhi nowokuAshikeroni nowokuGati nowokuEkironi navaAvhimu.) Kumaodzenyemba, inotangira kunyika yavaKanani yose zvichienda nokuMeara kunyika yavaSidhoni kusvikira kuApeki kumuganhu wavaAmori. Kwouya nyika yavaGebaru nenyika yeRebhanoni mujinga megomo reHerimoni kudzamara toda kupinda muHamati, vanhu vose zvavo vomunyika yemakomo kubvira kuRebhanoni kusvikira kuMisirefotimaimu kunyangewo nevaSidhoni vose zvavo. Ini pachangu ndichadzingira vaIsiraeri vanhu ivavo chako iwe chete govanisa vaIsiraeri nyika iyi senhaka, sezvandakakuudza. Saka chigovera nyika iyoyi madzinza mapfumbamwe nechikamu chevedzinza raManase senhaka yavo.” Vedzinza raRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza raManase, vanotova kare nenhaka yavo yavakapiwa naMosesi kumhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sokupiwa kwavakaitwa naiye Mosesi muranda waTenzi. Kubvira kuguta reAroeru kumucheto webani raArinoni, neguta riri pakati pebani renyika yakatumhumara yeMadhebha zvichienda nokuDhibhoni, namaguta ose aSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni ichindosvika kumuganhu navaAmori. Akavapawo nyika yeGireadhi namatunhu ose avaGeshuri neavaMaaka, nokugomo reHerimoni kwose, nenyika yeBhashani yose zvichisvika kuSareka, nyika yose zvayo yamambo Ogu kuBhashani aimbotonga Ashitaroti neEdhirei. (Iyeyu ndiye aiva hofori imwechete yechiRefaimu yakanga yasara.) Mosesi akakurira ivava akaavadzingamo. VaIsiraeri havana kudzingamo vaGeshuri navaMaaka, asi kutoti vokwaGeshuri novokwaMaaka vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira pari nhasi. Dzinza raRevhi chete ndiro risina kupiwa nhaka naMosesi nokuti mipiro inopirwa kuna Tenzi, Mwari waIsiraeri ichiita zvokupiswa nomoto ndiyo nhaka yaro sokuudzwa kwaakaitwa. Mosesi akagovera vedzinza rokwaRubheni nhaka yemhuri dzavo. Kubvira kuAroero pamucheto webani raArinoni ichibvira muguta riri pakati pebani, nenyika yose yakatunhumara yokuMedhebha zvichienda kuHeshibhoni namaguta ose omunyika yakatunhumara aya anoti: Dhibhoni neBhamotibhaari neBhetibhaarimeoni neJahazi neKedhimoti neMefaati neKiriataimu neSibhuma neZeredhishahari riri pachikomo chomubani chiya, neBhetipeori nemateru okubva mujinga megomo rePisiga neBhetijeshimoti, zvichireva kuti maguta ose zvawo omunyika yakatunhumara, nenyika yose yaSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni uya wokukundwa naMosesi pamwechete navatungamiriri vavaMidhiani vanaEvhi naRekemu naZuru naHuru naRebha, vakanga vari madzishe aiva pasi pamambo Sihoni, vachigara munyika iyoyo. Bhiriamu mwanakomana waBheori uya aiita maminimini uya akaurayiwawo navaIsiraeri pamwechete navamwe vavakauraya namapakatwa. Saka nyika yevedzinza rokwaRubheni yaindosvika muna Jorodhani ndiwo waiva muganhu wavo. Maguta iwaya nemisha yawo ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaRubheni irori nemhuri dzavo. Mosesi akagoverawo vedzinza rokwaGadhi nhaka yemhuri dzavo. Nyika yavo yaiva yeGazeri zvichienda nokumaguta ose omuGireadhi nechidimbu chenyika yevaAmoni ichisvika kuAroeru kumabvazuva eRabha. Yaibvirawo kuHeshibhoni kundosvika kuRamatimizipe nokuBetonimu, ichibvirawo kuMahanaimu kusvikira kunyika yaDhebhiri zvichienda nokubani kuBhetiharamu nokuBhetinimura nokuSukoti nokuZafoni ndochimwewo chidimbu chenyika yaSihoni mambo weHeshibhoni, Jorodhani ruriwo muganhu wenyika yacho inosvika kumahombekombe egungwa reKinereti kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani. Maguta iwaya nemisha iyi ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo. Mosesi akagovera nhaka kune chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase. Akapa nhaka iyi kune chikamu ichi chevedzinza raManase nemhuri dzavo. Nyika yavo yaibvira kuMahanaimu zvichienda nokuBhashani kwose zvako, zvichireva kuti nyika yose zvayo yaOgu mambo weBhashani, namaguta ose aJairi omuBhashani, ose pamwechete aiva makumi matanhatu amaguta, kwouya chidimbu chenyika yeGireadhi neguta reAshitaroti nereEdhirei, maguta omunyika yaOgu yeBhashani, ndozvechikamu chemhuri dzokwaMakiri mwanakomana waManase. Ndidzodzi nhaka dzakagoverwa naMosesi mumapani eMoabhu kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva kweJeriko.
Joshua 13:1-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua wakaŋga akwegura, aʋa namakore mazhinji; Jehova akati kwaari: Wakwegura, waʋa namakore mazhinji, dziciri’ko nyika zhinji dzinofanira kuʋa dzenyu. Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzaʋaFiristia, naʋaGeshuri ʋose; kubva paShihori kurutiʋi rweEgipita, kuȿikira kumuganho weEkroni kumsoro, wainzi ndowaʋaKanani; madzishe mashanu aʋaFiristia, ʋaiti: WeGaza, noweAshdodi, noweAshkeroni, noweGiti, noweEkroni, naʋaAvimi, kurutiʋi rweZasi, nyika yose yaʋaKanani, neMeara, waiʋa waʋaZidoni, kuȿikira paAfeki, kuȿikira kumuganho waʋaAmori; nenyika yaʋaGebari, neRebanoni rose kumabvazuʋa, kubva paBaari‐gadi pajiŋga pegomo reHermoni, kuȿikira paʋanopinda paHamati; ʋanhu ʋose ʋagere panyika yamakomo, kubva paRebanoni kuȿikira paMisrefoti‐maimi, naʋaZidoni ʋose, iʋaʋo ndicaʋadziŋga pamberi paʋana ʋaIsraeri; asi iwe unofanira kuipa ʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo, seɀandakakuraira. Ɀino unofanira kugoʋera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamŋe nehafu yorudzi rwaManase, iʋe nhaka yaʋo. ƲaRubeni naʋaGadi ʋakapiwa nhaka yaʋo pamŋe cete naye, iyo yaʋakaŋga ʋapiwa naMosesi mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, seɀaʋakapiwa naMosesi, muranda waJehova; kubva paAroeri, parutiʋi rwomupata weArnoni, neguta raiʋa pakati pomupata, neɓani rose reMedeba kuȿikira paDiboni; namaguta ose aSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga aciɓata ʋushe paHeshboni, kuȿikira kumuganho waʋana ʋaAmoni; neGireadi, nenyika yaʋaGeshuri naʋaMaakati, negomo rose reHermoni, neBashani rose kuȿikira paSareka, noʋushe bgose bgaOgi paBashani, wakaŋga aciɓata ʋushe paAshtaroti neEdrei (ndiye wakaŋga asara paʋaRefaimi); nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋakundwa naMosesi ʋakadziŋgwa naye. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kudziŋga ʋaGeshuri kana ʋaMaakati; asi ʋaGeshuri naʋaMaakati ʋagere pakati paʋaIsraeri kuȿikira nhasi. Asi rudzi rwaʋaRevi ɓedzi haana‐kurupa nhaka; ɀipiriso ɀaJehova, Mŋari waIsraeri, ɀaipiswa, ndiɀo ɀaiʋa nhaka yaʋo, seɀaakataura naye. Joshua akapa rudzi rwaʋana ʋaRubeni mugoʋe waʋo nedzimba dzaʋo. Nyika yaʋo yakabva paAroeri, parutiʋi rwomupata weArnoni, neguta raiʋa pakati pomupata, neɓani rose paMedeba; Heshboni namaguta aro ose ari paɓani; Diboni, neBamoti‐baari, neBeti‐baari‐meoni; neJahazi, neKedemoti, neMefahati; neKiriataimi, neSibma, neZereti‐shahari mugomo romupata; neBeti‐peori, nemitenusirwa yePisga, neBeti‐jeshimoti; namaguta ose eɓani, noʋushe bgose bgaSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga aciɓata ʋushe paHeshboni, wakaŋga akundwa naMosesi pamŋe cete naʋakuru ʋeMidiani, neEvi, neRekemi, neZuri, neHuri, neReba, namacinda aSihoni, akaŋga agere munyika iyo. Barami, mŋanakomana waBeori, muʋuki, naiye ʋo wakaʋurawa nomunondo naʋana ʋaIsraeri pakati paʋamŋe ʋakaʋurawa naʋo. Muganho waʋana ʋaRubeni rwakaŋga ruri Joridani nenyika yarwo. Ndiyo yaiʋa nhaka yaʋana ʋaRubeni nemhuri dzaʋo, iwo maguta nemisha yawo. Mosesi akapa rudzi rwaʋaGadi, iʋo ʋana ʋaGadi, mugoʋe waʋo nemhuri dzaʋo. Nyika yaʋo raiʋa Jazeri, namaguta ose eGireadi, nehafu yenyika yaʋana ʋaAmoni, kuȿikira paAroeri, pamberi peRaba; nokubva paHeshboni, kuȿikira paRamati‐mizpe, neBetonimi; nokubva paMahanaimi, kuȿikira pamuganho weDebiri; nomumupata Beti‐harami, neBeti‐nimra, neSukoti, neZafoni, noʋumŋe ʋushe bgakaŋga bgasara bgaSihoni, mambo weHeshboni, neJoridani nenyika yarwo, kuȿikira pamagumisiro eguŋgwa reKineroti, mhiri kwaJoridani, kumabvazuʋa. Ndiyo nhaka yaʋana ʋaGadi nemhuri dzaʋo iwo maguta nemisha yawo. Mosesi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yaʋo; ndiyo yaiʋa nhaka yehafu yorudzi rwaʋana ʋaManase nemhuri dzaʋo. Nyika yaʋo yakabva paMahanaimi, neBashani rose, noʋushe bgaOgi, mambo weBashani, nemisha yose yeJairi, yaiʋa paBashani, maguta makumi matanhatu; nehafu yeGireadi, neAshtaroti, neEdrei, maguta oʋushe bgaOgi paBashani, ndiyo yaiʋa yaʋana ʋaMakiri, mŋanakomana waManase, yehafu yaʋana ʋaMakiri nemhuri dzaʋo. Ndidzo nhaka dzakagoʋerwa naMosesi pamapani aMoabi, mhiri kwaJoridani paJeriko kumabvazuʋa.
Joshua 13:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)