Joshua 11:4-6
Joshua 11:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakauya nehondo dzavo dzose namabhiza nengoro zhinji zhinji, navanhu vazhinji kwazvo, vakanga vakawanda sejecha rapamahombekombe egungwa. Madzimambo ose aya akaungana vakavaka musasa pamwe chete paMvura yeMeromi, kuti vazorwa navaIsraeri. Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya nokuti mangwana nguva ino ndichavaisa vose vakatofa mumaoko avaIsraeri. Munofanira kutema marunda amakumbo amabhiza avo nokupisa ngoro dzavo.”
Joshua 11:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzavakanga vanadzo, vari vazhinji, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa nokuwanda, namabhiza nengoro zhinjizhinji. Madzimambo awa ose akaungana, vakauya pamwechete kuvaka misasa yavo pamvura yeMeromi, kuzorwa navaIsiraeri. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.”
Joshua 11:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakauya nehondo dzavo dzose vari gurusvusvu kuwanda sejecha regungwa, vaine bvakapfaka ramabhiza nengoro. Madzimambo iwaya akaunganidza pamwechete hondo dzavo dzose akadzika matendhe avo kubani remvura rokuMeromu kundorwisana navaIsiraeri. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usavatye nokuti mangwana panguva idzo dzino idzi ndinenge ndatovaisa mumaoko avaIsiraeri, vanenge vatofa. Munofanira kutema mabhiza avo matatira, muroromese nomoto ngoro dzavo dzehondo.”
Joshua 11:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaɓuɗa, iʋo nehondo dzaʋo dzose dzaʋakaŋga ʋanadzo, ʋari ʋazhinji, sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa nokuwanda, namabiza neŋgoro zhinji‐zhinji. Madzimambo awa ose akaʋuŋgana, ʋakaʋuya pamŋe cete kuʋaka misasa yaʋo pamvura yeMeromi, kuzorwa naʋaIsraeri. Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti maŋgwana neŋguʋa ino ndicaʋaisa ʋose mumaʋoko ako, ʋaʋurawe pamberi paʋaIsraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto.
Joshua 11:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)