Joshua 11:1-23
Joshua 11:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jabhini mambo weHazori akati anzwa pamusoro paizvozvi, akatumira shoko kuna Jobhabhi mambo weMadhoni, nokuna madzimambo eShimuroni neAkishafi, uye nokumadzimambo okumusoro aigara mumakomo, muArabha zasi kweKinereti, kumadokero kwamajinga ezvikomo uye nokuzvikomo zveNafoti Dhori kumadokero; NokuvaKenani kumabudazuva nokumadokero, nokuvaAmori, vaHiti, vaPerizi navaJebhusi munyika yamakomo; uye nokuvaHivhi muzasi meHemoni mudunhu reMizipa. Vakauya nehondo dzavo dzose namabhiza nengoro zhinji zhinji, navanhu vazhinji kwazvo, vakanga vakawanda sejecha rapamahombekombe egungwa. Madzimambo ose aya akaungana vakavaka musasa pamwe chete paMvura yeMeromi, kuti vazorwa navaIsraeri. Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya nokuti mangwana nguva ino ndichavaisa vose vakatofa mumaoko avaIsraeri. Munofanira kutema marunda amakumbo amabhiza avo nokupisa ngoro dzavo.” Naizvozvo Joshua nehondo yake vakavavinga pakarepo paMvura yeMeromi vakavarwisa, uye Jehovha akavaisa mumaoko avaIsraeri. Vakavakunda vakavadzinganisa kusvikira kuGuta reSidhoni, nokuMisirefoti Maimi, nokuMupata weMizipa kumabvazuva, kusvikira pasisina mupenyu akasara. Joshua akaita kwavari zvakanga zvarayirwa naJehovha: Akatema marunda amabhiza akapisa ngoro dzavo. Panguva iyoyo, Joshua akadzokera akatora Hazori ndokuuraya mambo waro. (Hazori waiva muzinda woumambo hwose uhu.) Vakauraya nomunondo munhu wose aivamo. Vakavaparadza zvachose, vakasasiya chipi nechipi chaifema, uye akapisa Hazori pacharo nomoto. Joshua akakunda maguta oumambo ose aya namadzimambo awo ndokuvauraya nomunondo. Akavaparadza zvachose, sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Asi vaIsraeri havana kupisa kana rimwe ramaguta akanga akavakwa pazvikomo zvavo, kusara kweHazori chete, rakapiswa naJoshua. VaIsraeri vakatakura zvose zvavakapamba nezvipfuwo zvamaguta iwaya, asi vakaparadza zvachose vanhu vose, vakasasiya kana mumwe aifema. Sezvakanga zvarayirwa Mozisi muranda wake naJehovha, saizvozvo Mozisi akarayira Joshua, uye Joshua akazviita; hapana chaakasiya chisina kuitwa pane zvose zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Naizvozvo Joshua akatora nyika yose iyi nyika yamakomo, neNegevhi, dunhu rose reGosheni, majinga ezvikomo zvokumavirira, neArabha namakomo eIsraeri namajinga awo, kubvira kuGomo reHaraki, rinokwidza rakananga kuSeiri, kuBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni, zasi kweGomo reHemoni. Akabata madzimambo avo ose akavaparadza, akavauraya. Joshua akarwa namadzimambo ose aya kwenguva refu. Hakuna guta kana rimwe rakaita sungano yorugare navaIsraeri kunze kwavaHivhi vaigara muGibheoni, vavakatora vose pakurwa. Nokuti Jehovha ndiye akaomesa mwoyo yavo kuti varwe navaIsraeri, kuti vavaparadze zvachose, vavaparadze pasina kunzwira tsitsi, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Panguva iyoyo Joshua akaenda akandoparadza vaAnaki munyika yamakomo: kubva kuHebhuroni, nokuDhebhiri nokuAnabhi, nokubva munyika yose yamakomo yeJudha, uye nokubva munyika yose yamakomo yavaIsraeri. Joshua akavaparadza zvachose namaguta avo. Hakuna vaAnaki vakasara munyika yeIsraeri: kusara kwomuGaza, nomuGati nomuAshidhodhi makasara vamwe. Naizvozvo Joshua akatora nyika yose, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, uye akaipa kuvaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo. Ipapo nyika yakazorora pakurwa.
Joshua 11:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jabhini, mambo weHazori wakati achizvinzwa, akatuma nhume kuna Jobhabhu, mambo weMadhoni, nokuna mambo weShimuroni, nokuna mambo weAkishafi, nokuna madzimambo akanga ari kurutivi rwokumusoro, panyika yezvikomo, nomumupata kurutivi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuzvikomo zvapaDhori, kurutivi rwamavirazuva, nokuvaKenani kurutivi rwamabvazuva nokumavirira, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaJebhusi, panyika yamakomo, navaHivhi vakanga vagere mujinga meHorimoni, panyika yeMizipa. Vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzavakanga vanadzo, vari vazhinji, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa nokuwanda, namabhiza nengoro zhinjizhinji. Madzimambo awa ose akaungana, vakauya pamwechete kuvaka misasa yavo pamvura yeMeromi, kuzorwa navaIsiraeri. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.” Zvino Joshua akauya pakarepo, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, kuti arwe navo pamvura yeMeromi, akavavamba. Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti‐maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete. Joshua akavaitira sezvakanga arairwa naJehovha; akagura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto. Nenguva iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akauraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutanga Hazori waiva muzinda woushe ihwo hwose. Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazori nomoto. Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMosesi muranda waJehovha. Asi maguta akanga ari pazvikomo zvavo, vaIsiraeri havana kuapisa kunyange nerimwe chete, asi Hazori chete; Joshua wakapisa irero. Vana vaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyange nechinhu chimwe chete chinofema. Sezvakanga zvarairwa Mosesi muranda wake naJehovha, ndizvo Mosesi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwe chete pazvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Saizvozvo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, nebani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsiraeri, nebani rayo; kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kusvikira paBhaari‐gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; akakunda madzimambo aro ose, akavaparadza nokuvauraya. Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuva mazhinji. Hakuna guta rakayanana navaIsiraeri, asi vaHivhi vakanga vagere Gibheoni; vakakunda zvose pakurwa. Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa mwoyo yavo, kuti varwe navaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Nenguva iyo Joshua akaenda akaparadza vaAnaki panyika yamakomo, paHebhuroni, napaDhebhiri, napaAnabhi, napanyika yose yamakomo yaJudha, napanyika yose yamakomo yaIsiraeri; Joshua akavaparadza chose pamwechete namaguta avo. Hakuna kuva Anaki wakasara panyika yavana vaIsiraeri; asi paGaza, napaGadhi, napaAshidhodhi ndipo pakasara vamwe. Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mosesi naJehovha; Joshua akaipa vana vaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.
Joshua 11:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jabhini mambo weguta reHazori paakanzwawo izvi, akatumira shoko kuna Jobhabhu mambo weguta reMadhoni nokuna mambo weguta reShimuroni nokuna mambo weguta reAkishafu. Akatumirawo shoko kumadzimambo okuchamhembe kunyika yemakomo, nokuArabha kumaodzanyemba kwegungwa reKineroti, nokunyika yakumanhika nokuNafotidhori kumadokero, nokuvaKanani vokumabvazuva novokumadokero, nokuvaAmori navaHiti navaPerizi navaJebhusi vomunyika yamakomo, nokuvaHivhi vari mujinga regomo reHerimoni kudunhu reMizipa. Vakauya nehondo dzavo dzose vari gurusvusvu kuwanda sejecha regungwa, vaine bvakapfaka ramabhiza nengoro. Madzimambo iwaya akaunganidza pamwechete hondo dzavo dzose akadzika matendhe avo kubani remvura rokuMeromu kundorwisana navaIsiraeri. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usavatye nokuti mangwana panguva idzo dzino idzi ndinenge ndatovaisa mumaoko avaIsiraeri, vanenge vatofa. Munofanira kutema mabhiza avo matatira, muroromese nomoto ngoro dzavo dzehondo.” Naizvozvo Joshuwa akavavinga nehondo yake ivo vari mubani remvura rokuMeromu akaita zvokungoerekana avafuta. Tenzi akavaisa mumaoko avaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya vakadzingirirana navo kudzamara vatopinda muguta reSidhoni nomuguta reMisirefotimaimu nokusvikira kubani reMizipa kumabvazuva. Vakavauraya zvokuti hapana kusara kana munhu mumwechete zvake. Joshuwa akaita kwavari zvaakanga audzwa naTenzi. Akatema mabhiza avo matatira, akaroromesa nomoto ngoro dzavo dzehondo. Joshuwa akadzoka ikoko panguva iyoyo, akakurira guta reHazori akauraya nebakatwa mambo waro nokuti guta reHazori iri ndoraiva guta guru raitungamirira nyika dzamadzimambo ose iwayo. Akauraya namapakatwa vanhu vose vaiva muguta imomo zvokuuraya zviya munhu wose. Hapana kana chinofema chaakasiya. Akapisa nomoto guta irori reHazori. Joshuwa akakurira maguta ose iwayo namadzimambo awo akava mumaoko ake, akaaparadza namapakatwa zvokusambosiya kana chinhu, sezvaakanga anzi aite naMosesi muranda waTenzi. Asi vaIsiraeri havana kupisa maguta akanga akavakirwa pakatunhumara, kusiya guta reHazori rakapiswa naJoshuwa. VaIsiraeri vakatora zvipfuwo nezvinhu zvose zvaiva mumaguta iwayo, zvavakanga vapamba. Asi wose ainzi munhu vakauraya namapakatwa vakavaparadza kusiya pasisina kana mupenyu. Tenzi sokuudza kwaakanga aita Mosesi muranda wake, Mosesi akataurirawo Joshuwa, Joshuwa ndokuitawo saizvozvo. Haana kana chaakasiyidzira pane zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi. Saka Joshuwa akatora nyika yacho yose iyoyo. Akatora nyika yamakomo neNegevhu yose nenyika yose zvayo yeGosheni nenyika yokumanhika nenyika yeArabha nenyika yeIsiraeri yemakomo, namapani ayo kubvira kugomo reHaraka rinokwira nokuSeiri kusvikira kuBhaarigadhi kubani reRebhanoni mujinga megomo reHerimoni. Akabata madzimambo adzo ose, akavaponda kuuraya Joshuwa akarwa namadzimambo iwayo kwenguva ndefu. Hakuna kana rimwe guta zvaro rakawirirana navaIsiraeri kusiya vaHivhi voga, vanhu vokuGibheoni. VaIsiraeri vakatora maguta ose iwayo nehondo akava avo. Chaivadariso ndechokuti Tenzi ndiye aivakonzera kuomesa musoro kuti vaende kundorwisa vaIsiraeri achiitira kuti vanhu ivavo vabve vanyatsoparadzwa uye kuti varege kunzwirwa tsitsi, asi kutoti vatsakatiswe sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Panguva iyoyo Joshuwa akandoparadza vaAnakimu vomunyika yamakomo vaiti vokuHebhuroni novukuDhebhiri novokuAnabhu novokunyika yaJudha yamakomo, novokunyika yeIsiraeri yamakomo. Joshuwa akavaparadza pamwechete namaguta avo. Hakuna kusara kana muAnakimu munyika yavaIsiraeri, kunze kwevaiva kuGaza nokuGati nokuAshidhodhi chete. Ndokutora kwakaita Joshuwa nyika yose sokutaura kwakanga kwaita Tenzi kuna Mosesi. Joshuwa akaipa kuvaIsiraeri senhaka yavo maererano namadzinza avo. Nyika ndokubva yazorora hondo.
Joshua 11:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jabini, mambo weHazori wakati aciɀinzwa, akatuma nhume kunaJobabi, mambo weMadoni, nokunamambo weShimroni, nokunamambo weAkshafi, nokuna‐madzimambo akaŋga ari kurutiʋi rwokumsoro, panyika yeɀikomo, nomumupata kurutiʋi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuɀikomo ɀapaDori, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, nokuʋaKanani kurutiʋi rwamabvazuʋa nokumaʋirira, naʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaJebusi, panyika yamakomo, naʋaHivi ʋakaŋga ʋagere mujiŋga meHermoni, panyika yeMizpa. Ʋakaɓuɗa, iʋo nehondo dzaʋo dzose dzaʋakaŋga ʋanadzo, ʋari ʋazhinji, sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa nokuwanda, namabiza neŋgoro zhinji‐zhinji. Madzimambo awa ose akaʋuŋgana, ʋakaʋuya pamŋe cete kuʋaka misasa yaʋo pamvura yeMeromi, kuzorwa naʋaIsraeri. Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti maŋgwana neŋguʋa ino ndicaʋaisa ʋose mumaʋoko ako, ʋaʋurawe pamberi paʋaIsraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto. Ɀino Joshua akaʋuya pakarepo, iye naʋanhu ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, kuti arwe naʋo pamvura yeMeromi, akaʋaʋamba. Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋga kuȿikira paguta guru Zidoni, nokuȿikira Misrefoti‐maimi, nokuȿikira kumupata weMizpe kumabvazuʋa; ʋakaʋaʋuraya kuȿikira ʋasina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe cete. Joshua akaʋaitira seɀaakaŋga arairwa naJehova; akagura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto. Neŋguʋa iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akaʋuraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutaŋga Hazori waiʋa muzinda woʋushe ibgo bgose. Ʋakaʋuraya ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo neminondo inopinza, ʋakaʋaparadza cose; hakunecinhu cimŋe cinofema cakasara; ʋakapisa Hazori nomŋoto. Joshua akakunda ʋo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akaʋaʋuraya neminondo inopinza, akaʋaparadza cose; seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi muranda waJehova. Asi maguta akaŋga ari paɀikomo ɀaʋo, ʋaIsraeri haʋana‐kuapisa kunyaŋge nerimŋe cete, asi Hazori cete; Joshua wakapisa irero. Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa ɀose ɀaʋakapamba ɀamaguta iwayo, neŋombe; asi ʋakaʋuraya ʋarume ʋose neminondo inopinza, kuȿikira ʋaʋaparadza; haʋana‐kusiya kunyaŋge necinhu cimŋe cete cinofema. Seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi muranda wake naJehova, ndiɀo Mosesi ɀaakaraira Joshua; Joshua akaita saiɀoɀo, haana‐kusiya cinhu cimŋe cete paɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Saiɀoɀo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, neɓani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsraeri, neɓani rayo; kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kuȿikira paBaari‐gadi pamupata weRebanoni, mujiŋga megomo reHermoni; akakunda madzimambo aro ose, akaʋaparadza nokuʋaʋuraya. Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuʋa mazhinji. Hakuneguta rakayanana naʋaIsraeri, asi ʋaHivi ʋakaŋga ʋagere Gibeoni; ʋakakunda ɀose pakurwa. Nokuti Jehova ndiye wakawomesa mŋoyo yaʋo, kuti ʋarwe naʋaIsraeri, kuti aʋaparadze cose, ʋarege kunzwirwa tsitsi; asi aʋaparadze, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Neŋguʋa iyo Joshua akaenda akaparadza ʋaAnaki panyika yamakomo, paHebroni, napaDebiri, napaAnabi, napanyika yose yamakomo yaJuda, napanyika yose yamakomo yaIsraeri; Joshua akaʋaparadza cose pamŋe cete namaguta aʋo. Hakuna‐kuʋaAnaki wakasara panyika yaʋana ʋaIsraeri; asi paGaza, napaGadi, napaAshdodi ndipo pakasara ʋamŋe. Joshua akakunda saiɀoɀo nyika yose seɀose ɀakaʋudzwa Mosesi naJehova; Joshua akaipa ʋana ʋaIsraeri, kuti iʋe nhaka yaʋo, seɀaʋakaŋga ʋakamurwa namarudzi aʋo. Nyika ikazorora pakurwa.
Joshua 11:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)