Joshua 10:6-7
Joshua 10:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino vaGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa waiva paGirigari, vachiti, “Musasiya henyu varanda venyu. Uyai kuno kwatiri nokukurumidza muzotiponesa! Tibatsirei, nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vaungana kuti vatirwise.” Naizvozvo Joshua akafamba achibva paGirigari, iye navarwi vose vaaiva navo, navarume vose vesimba noumhare.
Joshua 10:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo varume veGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, “Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.” Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare.
Joshua 10:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vokuGibheoni vakatuma nhume kuna Joshuwa kuGirigari kwavakanga vakadzika matendhe vachiti, “Matiregerera kuno isu varanda venyu. Uyai kuno nokukurumidza muzotinunura, mutibatsirewo nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vakokorodzana kuzotirwisa.” Joshuwa akabva kuGirigari akakwira ikoko. Akaendako nehondo yake yose, varume vose vaya vaiva mvumba dzokurwa hondo.
Joshua 10:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋarume ʋeGibeoni ʋakatuma nhume kunaJoshua kumisasa yakaŋga iri paGirgari, ʋakati: Musaregerera henyu ʋaranda ʋenyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutiɓatsira, nokuti madzimambo ose aʋaAmori ʋagere munyika yamakomo ʋakatiʋuŋganira kuzorwa nesu. Ipapo Joshua akakwira acibva Girgari, iye naʋanhu ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, naʋarume ʋose ʋaiʋa nesimba noʋumhare.
Joshua 10:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)