Joshua 10:12-13 - Compare All Versions
Joshua 10:12-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha pamberi pavaIsraeri: “Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni, Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.” Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari. Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira kwenguva ingaita zuva rose.
Joshua 10:12-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana vaIsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.” Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose.
Joshua 10:12-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pazuva iroro rakaiswa vaAmori mumaoko avaIsiraeri naTenzi, Joshuwa akataurira Tenzi vaIsiraeri vachinzwa achiti, “Iwe zuva pano paGibheoni iti mbikiti kumira, newe mwedzi iti ndi kumira padunhu rino reAjaroti. Zuva rakati mbikiti kumirapo. Mwedzi ukatiwo ndi kumira kusvikira vaIsiraeri vapedza vavengi vavo kutsividza.” Handiti izvozvi zvakanyorwa muBhuku raJashari here? Zuva rakaramba rakati mbikiti panguva yarinorova nhongonya, rikarega kukurumidza kudoka, kwezuva rose.
Joshua 10:12-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Joshua akataura naJehova nomusi Jehova waakaisa ʋaAmori mumaʋoko aʋana ʋaIsraeri, akati pamberi paʋaIsraeri: Iwe zuʋa mira pamsoro peGibeoni, Newe mŋedzi pamupata weAjaroni. Zuʋa rikamira, nomŋedzi ukarambira’po, Kuȿikira rudzi rwatsiʋa ʋaʋeŋgi ʋarwo. Iɀi haɀina‐kunyorwa here mubuku yaJashari? Zuʋa rikaramba rimire pakati peɗeŋga, rikasakurumidza kuʋira ŋguʋa yakaita sezuʋa rose.
Joshua 10:12-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)