Joshua 1:6-7
Joshua 1:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo. Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda.
Joshua 1:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simba, utsunge mwoyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo. Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda
Joshua 1:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda.
Joshua 1:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti ucagarisa ʋanhu aʋa nhaka yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo. Asi usimbe nokutsuŋga mŋoyo kwaɀo, kuti ucenjere kuita murairo wose wandakaraira Mosesi muranda waŋgu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruɓoshwe, kuti uʋe nomufaro pose paunoenda.
Joshua 1:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)