Joshua 1:3-9
Joshua 1:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakupai nzvimbo yose yose yamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi. Nyika yenyu ichabva kugwenga ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kurwizi rukuru, Yufuratesi, nenyika yose yavaHiti, ichisvika kuGungwa Guru riri kumavirazuva. Hakuna achagona kurwisana newe kwamazuva ose oupenyu hwako. Sezvandaiva naMozisi, ndichava newe; handizokusiyi kana kukurasa. “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo. Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda. Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo. Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.”
Joshua 1:3-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMosesi. Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu. Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMosesi; handingakuregi kana kukusiya. Simba, utsunge mwoyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo. Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda, Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera. Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.”
Joshua 1:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pose zvapo pamuchatsika norutsoka rwenyu, ndinokupai sokutsidza kwandakaita kuna Mosesi. Kubvira kurenje kusvikira kuRebhanoni uku, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi nenyika yose yavaHiti kusvikira kugungwa guru rokumadokero, ndiyo ichava nyika yenyu. Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana. Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda. Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo. Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.”
Joshua 1:3-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nɀimbo imŋe neimŋe icatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, seɀandakataura naMosesi. Kubva murenje neRebanoni iri, kuȿikira parwizi rukuru, irwo rwizi Ufratesi, nenyika yose yaʋaHeti, kuȿikira kuguŋgwa guru, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiyo nyika yenyu. Hakunomunhu ucagona kumira pamberi pako mazuʋa ose oʋupenyu bgako; ndicaʋa newe seɀandaisiʋa naMosesi; handiŋgakuregi kana kukusiya. Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti ucagarisa ʋanhu aʋa nhaka yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo. Asi usimbe nokutsuŋga mŋoyo kwaɀo, kuti ucenjere kuita murairo wose wandakaraira Mosesi muranda waŋgu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruɓoshwe, kuti uʋe nomufaro pose paunoenda. Buku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuiraŋgarira masikati noʋusiku, kuti ucenjere kuita ɀose ɀakanyorwa’mo; nokuti nokuɗaro ucaɀiwanira mufaro panzira yako nokuɓata nokucenjera. Ko handina‐kukuraira here? Simba, utsuŋge mŋoyo; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari wako unewe kwose kwaunoenda.
Joshua 1:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)