Joshua 1:14-15
Joshua 1:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakadzi venyu, vana venyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara munyika yamakapiwa naMozisi kudivi rino reJorodhani, asi varume venyu vose vehondo, vakabata zvombo, vanofanira kuyambukira mhiri mberi kwehama dzenyu. Munofanira kubatsira hama dzenyu kusvikira Jehovha avapa zororo, sezvaakakuitirai, uye kusvikira vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wavo. Mushure maizvozvo, munogona kudzokera munogara munyika yenyu, yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha iri kumabvazuva kweJorodhani.”
Joshua 1:14-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMosesi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire; kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.”
Joshua 1:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzimai nepwere dzenyu vachasara pamwechete nemombe dzenyu munyika ino yamakapiwa naMosesi kumabvazuva kwaJorodhani. Asi varwi venyu vose vachayambuka, vakapakata zvombo zvokurwa, vatungamire mberi kwehama dzenyu, muvabatsire, kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu pokugara, sezvaakakuitiraiwo imi, vandotorawo nyika yavari kupiwa naTenzi Mwari wenyu. Ndopamungazodzokawo zvenyu mogara munyika yenhaka yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi, kumhiri kwaJorodhani kunobuda nezuva moiita yenyu.’ ”
Joshua 1:14-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakadzi ʋenyu nepxere dzenyu neɀipfuwo ɀenyu ɀicasara panyika yamakapiwa naMosesi necoʋuno mhiri kwaJoridani, asi imi ʋarume ʋose ʋanesimba noʋumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashoŋga nhumbi dzokurwa, muʋaɓatsire; kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu iʋe yaʋo; ipapo muŋgadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehova, iri necoʋuno mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kuti iʋe yenyu.
Joshua 1:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)