Joshua 1:10-18
Joshua 1:10-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati, “Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, ‘Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.’ ” Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati, “Rangarirai shoko ramakarairwa naMosesi, muranda waJehovha, achiti, ‘Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.’ Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMosesi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire; kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.” Vakapindura Joshua, vakati, “Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo. Sezvataiteerera Mosesi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMosesi. Ani naani unomukira murayiro wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu pazvose zvamunoraira, iye uchaurayiwa; asi simbai mutsunge mwoyo.”
Joshua 1:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Joshua akarayira vatungamiri vavanhu achiti, “Pindai mumusasa mutaurire vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu. Mukati memazuva matatu muchayambuka Jorodhani urwu kuti mupinde mutore nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ” Uye Joshua akati kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, “Rangarirai shoko ramakapiwa naMozisi muranda waJehovha achiti: ‘Jehovha Mwari wenyu anokupai zororo uye akupai nyika iyi.’ Vakadzi venyu, vana venyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara munyika yamakapiwa naMozisi kudivi rino reJorodhani, asi varume venyu vose vehondo, vakabata zvombo, vanofanira kuyambukira mhiri mberi kwehama dzenyu. Munofanira kubatsira hama dzenyu kusvikira Jehovha avapa zororo, sezvaakakuitirai, uye kusvikira vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wavo. Mushure maizvozvo, munogona kudzokera munogara munyika yenyu, yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha iri kumabvazuva kweJorodhani.” Ipapo vakapindura Joshua vachiti, “Chipi nechipi chamuchatirayira tichaita, uye kwose kwose kwamuchatituma tichaenda. Tichakuteererai zvizere sokuteerera kwatakaita Mozisi. Chete, Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi sezvaaiva naMozisi. Ani naani achamukira shoko renyu uye asingateereri mashoko enyu, kana chipi nechipi chamungavarayira, achaurayiwa. Asi simbai mutsunge mwoyo!”
Joshua 1:10-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati, “Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, ‘Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.’ ” Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati, “Rangarirai shoko ramakarairwa naMosesi, muranda waJehovha, achiti, ‘Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.’ Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMosesi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire; kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.” Vakapindura Joshua, vakati, “Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo. Sezvataiteerera Mosesi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMosesi. Ani naani unomukira murayiro wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu pazvose zvamunoraira, iye uchaurayiwa; asi simbai mutsunge mwoyo.”
Joshua 1:10-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akataurira vatungamiriri vavanhu achiti, “Endai mutevedze nomumatendhe muchiudza vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu nokuti mushure memazuva matatu muchayambuka Jorodhani muchindotora nyika yamuri kupiwa naTenzi, Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ” Joshuwa akataurira vedzinza rokwaRubheni neraGadhi nechikamu chepakati napakati chevedzinza rokwaManase achiti, “Yeukai zvamakaudzwa naMosesi, muranda waTenzi achiti, ‘Tenzi, Mwari wenyu ari kukupaiwo pokugara uye kuti ari kukupai nyika iyi. Madzimai nepwere dzenyu vachasara pamwechete nemombe dzenyu munyika ino yamakapiwa naMosesi kumabvazuva kwaJorodhani. Asi varwi venyu vose vachayambuka, vakapakata zvombo zvokurwa, vatungamire mberi kwehama dzenyu, muvabatsire, kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu pokugara, sezvaakakuitiraiwo imi, vandotorawo nyika yavari kupiwa naTenzi Mwari wenyu. Ndopamungazodzokawo zvenyu mogara munyika yenhaka yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi, kumhiri kwaJorodhani kunobuda nezuva moiita yenyu.’ ” Ivo vakati kuna Joshuwa, “Zvose zvamatiudza, ndozvatichaita, kwose kwamunotituma tinoenda. Sokuteerera kwataingoita Mosesi pazvinhu zvose, ndokuteerera kwatichakuitaiwo. Chete, dai Tenzi, Mwari wenyu angovawo nemi sezvaiita naMosesi! Ani naani zvake anopanduka achiramba zvamunenge mareva, kana asingateereri zvamunomuudza, chingave chii zvacho chamunenge mamutemera kuita, ngaaurayiwe. Chenyu imi rambai makashinga, makatsunga mwoyo.”
Joshua 1:10-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Joshua akaraira ʋatariri ʋaʋanhu, akati: Pindai napakati pemisasa, muraire ʋanhu, muti: Ɀigadzirirei mbuʋa, nokuti mazuʋa matatu acigere kupera mucafanira kuyambuka Joridani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, iʋe yenyu. Joshua akataura naʋaRubeni naʋaGadi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati: Raŋgarirai shoko ramakarairwa naMosesi, muranda waJehova, aciti: Jehova Mŋari wenyu ucakupai zororo, nokukupai nyika iyi. Ʋakadzi ʋenyu nepxere dzenyu neɀipfuwo ɀenyu ɀicasara panyika yamakapiwa naMosesi necoʋuno mhiri kwaJoridani, asi imi ʋarume ʋose ʋanesimba noʋumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashoŋga nhumbi dzokurwa, muʋaɓatsire; kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu iʋe yaʋo; ipapo muŋgadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehova, iri necoʋuno mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kuti iʋe yenyu. Ʋakapindura Joshua, ʋakati: Ɀose ɀamunotiraira, ticaɀiita, pose pamunotituma ticaenda’po. Seɀataiterera Mosesi paɀose, saiɀoɀo ticakutererai nemi ʋo; Jehova Mŋari wenyu ŋgaaʋe nemi, seɀaaiʋa naMosesi. Aninani unomukira murairo wenyu, asiŋgaɗi kuterera mashoko enyu paɀose ɀamunoraira, iye ucaʋurawa; asi simbai, mutsuŋge mŋoyo.
Joshua 1:10-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)