Joshua 1:1-2
Joshua 1:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino shure kwokufa kwaMozisi muranda waJehovha, Jehovha akataura naJoshua mwanakomana waNuni, muranda waMozisi achiti, “Mozisi muranda wangu afa. Zvino iwe navanhu ava chigadzirirai kuyambuka rwizi rweJorodhani mupinde munyika yandava kupa vana vaIsraeri.
Joshua 1:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati, “Mosesi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana vaIsiraeri.
Joshua 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti Mosesi muranda waTenzi afa, iye Tenzi akataurira Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi achiti, “Muranda wangu Mosesi akafa saka iwe, chisimuka uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende munyika yandiri kupa vaIsiraeri ivava.
Joshua 1:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi, muranda waJehova, wakati afa, Jehova akataura naJoshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi, akati: Mosesi, muranda waŋgu wafa; ɀino simuka iwe uyambuke Joridani urwu, iwe naʋanhu aʋa ʋose, muende kunyika yandinoʋapa iʋo ʋana ʋaIsraeri.
Joshua 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)