Jona 2:5-10
Jona 2:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa; pakadzikadzika pakandikomberedza; sora regungwa rakamonera musoro wangu. Kumidzi yamakomo ndakanyura; nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi. Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba, imi Jehovha Mwari wangu. “Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene. “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo. Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Jona 2:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu. Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu. Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene. Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo. Asi ndichakubayirai nezwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Jona 2:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mvura yakanditi fuse fuse hwenje hwakandikomberedza zvinomera mugungwa zvakanga zvakanditi mumusoro monemone. Pamidzi yemakomo ndakanga ndichidzika kunyika ine zvihuri zvaindipfigiramo narini narini asi imi TENZI, Mwari wangu makandiponesa upenyu mukandiburitsa mugomba iroro. Mweya wangu pawakapera simba mukati mangu, ndakarangarira TENZI; munamato wangu wakasvika kwamuri muTemberi yenyu inoera. “Vanhu vanoremekedza zvifananidzo zvisina maturo vanokanda pasi kutendeseka kwavo kwapachokwadi. “Asi ini nezwi rokutenda ndichapira chibayiro kwamuri. Ndichaita zvandakapika. Kununura ndokwaTENZI.” TENZI akataura kuhove iya ikarutsira Jona panyika pakaoma.
Jona 2:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mvura zhinji yakandikomberedza, kuȿikira kumŋeya waŋgu; Pakadzika pakaŋga pandipoteredza; Maharaŋgwe akaŋga amonera musoro waŋgu. Ndakaɓurukira kumaʋambiso amakomo; Nyika neɀipfigiso ɀayo ɀakandipfigira’mo nokusiŋgaperi; Kunyaŋge ɀakaɗaro makaɓuɗisa ʋupenyu bgaŋgu pagomba, imi, Jehova Mŋari waŋgu. Mŋeya waŋgu wakati uciziya mukati maŋgu, ndikaraŋgarira Jehova; Munyeŋgetero waŋgu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tȿene. Ʋanoraŋgarira ɀisinamaturo ɀenhema Ʋanorasha nyasha yaʋo. Asi ndicakuɓayirai nenzwi rokuʋoŋga; Ndicaripa ɀandapika. Ruponeso runobva kunaJehova. Jehova akataura nehoʋe, ikandorutsira Jona panyika yakawoma.
Jona 2:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)