Jona 2:1-6 - Compare All Versions
Jona 2:1-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake. Akati: “Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha, iye akandipindura. Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye imi makanzwa kuchema kwangu. Makandikandira makadzika, mumwoyo chaimo megungwa, uye mvura zhinji ikandikomberedza; mafungu enyu ose namapopoma enyu ose zvakapfuura napamusoro pangu. Ndakati, ‘Ndaraswa kubva pamberi penyu, asi ndichatarirazve ndakaringa kutemberi yenyu tsvene.’ Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa; pakadzikadzika pakandikomberedza; sora regungwa rakamonera musoro wangu. Kumidzi yamakomo ndakanyura; nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi. Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba, imi Jehovha Mwari wangu.
Jona 2:1-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove. Akati, “Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu. Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu. Ndikati, ‘Ndarashwa, hamuchandioni;’ Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene. Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu. Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.
Jona 2:1-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jona akabva anamata kuna TENZI, Mwari wake ari mudumbu rehove macho achiti, “Ndakachema kuna TENZI ndiri munhamo yangu, iye akandipindura. Ndakachema ini ndiri mudumbu renzvimbo yavachakabvu, imi makanzwa izwi rangu nokuti makandikanda muhwenje, muhwenje hwegungwa zvahwo pakati-kati chaipo pamakungwa ndakanga ndakakomberedzwa namafashafasha emvura mafungu namasaisai enyu aipfuura zvawo napamusoro pangu. “Ipapo ndakazviti ndazoraswa zvangu kure nemi ndichatarisazve sei temberi yenyu inoera. Mvura yakanditi fuse fuse hwenje hwakandikomberedza zvinomera mugungwa zvakanga zvakanditi mumusoro monemone. Pamidzi yemakomo ndakanga ndichidzika kunyika ine zvihuri zvaindipfigiramo narini narini asi imi TENZI, Mwari wangu makandiponesa upenyu mukandiburitsa mugomba iroro.
Jona 2:1-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Jona akanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wake ari muɗumbu rehoʋe. Akati: Ndakaɗana kunaJehova ndiri munhamo yaŋgu, Akandipindura; Ndakaɗana ndiri muɗumbu reSheori, Imi mukanzwa inzwi raŋgu. Nokuti makandikandira makadzika, mukati momŋoyo weguŋgwa, Mvura zhinji yakaŋga yandikomberedza; Mafuŋgu enyu namapoporodzi enyu akapfuʋura napamsoro paŋgu. Ndikati: Ndarashwa, hamucandiʋoni; Asi ndicariŋgira ɀe kutembere yenyu tȿene. Mvura zhinji yakandikomberedza, kuȿikira kumŋeya waŋgu; Pakadzika pakaŋga pandipoteredza; Maharaŋgwe akaŋga amonera musoro waŋgu. Ndakaɓurukira kumaʋambiso amakomo; Nyika neɀipfigiso ɀayo ɀakandipfigira’mo nokusiŋgaperi; Kunyaŋge ɀakaɗaro makaɓuɗisa ʋupenyu bgaŋgu pagomba, imi, Jehova Mŋari waŋgu.
Jona 2:1-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)