Jona 1:7-10
Jona 1:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vafambisi vechikepe vakati kuno mumwe nomumwe, “Uyai, tikande mijenya kuti tione kuti ndiani aita kuti tiwirwe nenjodzi iyi.” Vakakanda mijenya, mijenya ikawira pana Jona. Saka vakamubvunza vakati, “Tiudze, ndiani aita kuti matambudziko ose aya atiwire? Unoita basa reiko? Unobvepiko? Nyika yako inonzi ani? Uri worudzi rupi?” Akapindura akati, “Ndiri muHebheru, uye ndinonamata Jehovha, Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika.” Izvi zvakavatyisa uye vakabvunza vakati, “Watadzeiko?” (Vaiziva kuti aitiza kubva pamberi paJehovha, nokuti akanga atovaudza kudaro.)
Jona 1:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, “Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani.” Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona. Zvino vakati kwaari, “Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?” Iye akati kwavari, “Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma.” Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, “Chinyiko ichi chawaita?” Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza.
Jona 1:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakataurirana kuti, “Ngatiitei chin'ange tizive kuti ndiani atiparira nhamo yatiwira iyi.” Saizvozvo vakaita chin'ange, chikabata Jona. Ndokubva vamuti, “Iwe tiudze kuti ndiani akonzera kuti tipinde nhamo iyi. Basa rako nderei? Unobvepi? Uri wenyika ipi? Uri worudzi rwupi?” Iye akavapindura kuti, “Ndiri muHebheru, uye ndinotya TENZI, Mwari Wedenga, akasika gungwa nenyika yakaoma.” Varume ivavo vakatya zvikuru kwazvo vakati kwaari, “Ndochii ichochi chawaita,” nokuti varume ivavo vakanga vazviziva kuti akanga achitiza pana TENZI nokuti ndizvo zvaakanga avataurira.
Jona 1:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe nomumŋe wakati kushamŋari yake: Ʋuyai tikande mijenya, tiziʋe kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani. Ipapo ʋakakanda mijenya, mujenya ukaɓata Jona. Ɀino ʋakati kwaari: Citiʋudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuɗa kwaani; ɓasa rako ndereiko? wabvepiko? nyika yako ndeipi? uri worudzi rupi? Iye akati kwaʋari: Ndiri muHeberu, ndinotya Mŋari wokuɗeŋga, wakaita guŋgwa nenyika yakawoma. Ipapo ʋarume ʋakatya kwaɀo‐kwaɀo, ʋakati kwaari: Cinyiko ici cawaita? Nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti unotiza pamberi paJehova, nokuti wakaʋaʋudza.
Jona 1:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)