Joere 3:9-11
Joere 3:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Paridzirai izvi kundudzi dzose: Gadzirirai hondo! Mutsai varwi! Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise. Pfurai mapadza enyu muaite minondo, uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo. Asina simba ngaati, “Ndine simba!” Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose mugoungana ipapo.
Joere 3:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Paridzirai izvozvi pakati pamarudzi; zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa. Pfurai mapadza enyu ive minondo, namapanga enyu okuchekerera miti ave mapfumo; asine simba ngaati, ‘Ndine simba.’ Chimbidzikai, muuye, imi marudzi ose akapoteredza, muungane; imi Jehovha, mhare dzenyu ngadziburukireko.
Joere 3:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zivisai zvinhu izvi mukati memarudzi zvokuti, ‘Gadzirirai kurwa hondo, mutsai magamba mwoyo, varwi vehondo vose ngavaswedere padyo, ngavakwidze kuno. Pfurai miromo yenyu yamagejo muiite mapakatwa mupfure zvigero zvenyu zvokupemhenesa kuita mapfumo. Ndonda ngaazvitiwo, ndiri gamba rehondo ini. Itai chipatapata muuye, imi mose marudzi ari munharaunda'mu, unganidzanai ikoko. Burutsai magamba enyu ehondo imi TENZI.’ ”
Joere 3:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Paridzirai iɀoɀi pakati pamarudzi; ɀigadzirirei kurwa; kurudzirai ʋarume ʋanesimba; ʋarwi ʋose ŋgaʋasweɗere, ʋaende kundorwa. Pfurai mapadza enyu iʋe minondo, namapaŋga enyu okucekerera miti aʋe mapfumo; usinesimba ŋgaati: Ndinesimba. Cimbidzikai, muʋuye, imi marudzi ose akapoteredza, muʋuŋgane; imi Jehova, mhare dzenyu ŋgadziɓurukire’ko.
Joere 3:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)