Joere 3:15-16
Joere 3:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zuva nomwedzi zvichasviba uye nyeredzi dzichadzima. Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri.
Joere 3:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo. Jehovha achaomba ari paZioni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake, nenhare yavana vaIsiraeri.
Joere 3:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zuva nemwedzi zvichaora kusviba nyenyedzi dzigorega kupenya. Izvozvo TENZI achadzvova ari muguta reZioni achiburitsa izwi rake ari muJerusaremu matenga nenyika zvigondengendeka asi TENZI ndiye diziro ravanhu vake nhare chaiyo yokuhwanda hondo kuvanhu veIsiraeri.
Joere 3:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Zuʋa nomŋedzi ɀaȿiɓa, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo. Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; ɗeŋga rose nenyika ɀicaɗeŋgenyeka; asi Jehova ucaʋa ʋutiziro bgaʋanhu ʋake, nenhare yaʋana ʋaIsraeri.
Joere 3:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)