Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joere 2:13-14 - Compare All Versions

Joere 2:13-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi. Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.

Pakurirana nevamwe
Joere 2 BDSC

Joere 2:13-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa. Ndiani angaziva, zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinonwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu?

Pakurirana nevamwe
Joere 2 SNA2002

Joere 2:13-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

bvarurai mŋoyo yenyu, murege kubvarura ŋguʋo dzenyu, mutendeʋukire kunaJehova Mŋari wenyu; nokuti uneŋgoni nenyasha, unononoka kutsamŋa, unetsitsi zhinji, ʋuye unoɀiɗemba pakuitira ʋanhu ɀakaipa. Ndiani uŋgaziʋa, ɀimŋe uŋgadzoka akaɀiɗemba, akasiya mukomborero kana acibva, ɀimŋe cipiriso coʋupfu kana cipiriso cinonwiwa ɀamuŋgaʋigira Jehova Mŋari wenyu?

Pakurirana nevamwe
Joere 2 SUB1949

Joere 2:13-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Uye bvarurai mwoyo yenyu kwete hanzu dzenyu. Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu nokuti iye ane nyasha netsitsi. Haakurumidzi kushatirwa uye azere nomwoyochena, anozvidzora orega kuita zvakaipa.” Ndiani angazive, zvimwe angapinduke akazvidzora zvake achibva azosiya makomborero mushure make, zvokuti vanhu vanogona kupira mupiro wembesanwa nomupiro wokuteura kuna TENZI, Mwari wenyu?

Pakurirana nevamwe
Joere 2 SCLB

Joere 2:13-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Joere 2 SCLBD