Joere 2:12-13
Joere 2:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.” Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
Joere 2:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza; bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa.
Joere 2:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi kunyange nazvino, ndozviri kutaura TENZI dzokerai kwandiri nomwoyo wenyu wose muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza. Uye bvarurai mwoyo yenyu kwete hanzu dzenyu. Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu nokuti iye ane nyasha netsitsi. Haakurumidzi kushatirwa uye azere nomwoyochena, anozvidzora orega kuita zvakaipa.”
Joere 2:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — naɀino tendeʋukirai kwandiri nemŋoyo yenyu yose, muciɀinyima ɀokudya, mucicema nokuwuŋgudza; bvarurai mŋoyo yenyu, murege kubvarura ŋguʋo dzenyu, mutendeʋukire kunaJehova Mŋari wenyu; nokuti uneŋgoni nenyasha, unononoka kutsamŋa, unetsitsi zhinji, ʋuye unoɀiɗemba pakuitira ʋanhu ɀakaipa.
Joere 2:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)