Joere 2:1-2
Joere 2:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo, zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
Joere 2:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ridzai hwamanda paZioni, muridze mhere pagomo rangu dzvene; vose vagere panyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha rinouya, nokuti rava pedyo; richava zuva rerima nokusviba, zuva ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; richauya ruri rudzi rukuru rune simba; rwakadaro haruna kumbovapo, uye harungazovipo shure kwavo, kusvikira pamakore amarudzi mazhinji avanhu.
Joere 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ridzai hwamanda muguta reZioni ridzai bhosvo reyambiro pagomo rangu rinoera. Vagari venyika ino vose zvavo ngavadedere nokuti zuva raTENZI riri kuuya, ratova pedyo. Zuva iroro izuva rerima nezarima, zuva ramakore, zuva rakati kwirindindi kusvipa. Soutonga hwatsvuka pamakomo, ungati rudzi rwavanhu rune simba rusina kumbovapo nyange pasichigare uye kuti rwakadaro haruchazovapo mushure madzo pamakore ezvizvarwa zvose zvazvo.
Joere 2:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ridzai hwamanda paZioni, muridze mhere pagomo raŋgu dɀene; ʋose ʋagere panyika ŋgaʋaɗeɗere, nokuti zuʋa raJehova rinoʋuya, nokuti raʋa pedyo; ricaʋa zuʋa rerima nokuȿiɓa, zuʋa ramakore nerima guru, samambakwedza akawarirwa pamakomo; rucaʋuya ruri rudzi rukuru runesimba; rwakaɗaro haruna‐kumboʋa’po, ʋuye haruŋgazoʋi’po shure kwaʋo, kuȿikira pamakore amarudzi mazhinji aʋanhu.
Joere 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)