Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 9:1-20

Jobho 9:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jobho akapindura akati: “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko? Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru. Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga? Anofambisa makomo iwo asingazivi agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru. Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke. Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi. Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa. Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni, dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi. Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa. Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni. Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’ Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya. “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye? Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu. Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura, handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa. Aizondiparadza nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva. Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo, asi aizondizadza namatambudziko. Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge? Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 9

Jobho 9:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo Jobho akapindura, akati, “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ndizvo, Nokuti munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?” Kana iye akada kuita nharo naye, Haangagoni kumupindura shoko rimwe pamashoko ane zviuru. Iye ano mwoyo wakangwara, une simba guru; Ndianiko akamuomesera mwoyo wake, akazofara? Iye anobvisa makomo, iwo asingazvizivi, Kana achiashandura pakutsamwa kwake. Iye anozunungusa nyika ikabva panzvimbo yayo, Mbiru dzayo dzinodengenyeka. Iye anoraira zuva, rikarega kubuda; Iye anodzitira nyeredzi. Iye oga anotatamura denga, Anotsika pamusoro pamafungu egungwa. Iye anoita nyeredzi dzeAkituro, nedzeOrinoni, nedzeChimutanhatu, Namakamuri enyasi. Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi, Izvo zvinhu zvinoshamisa, zvisingagoni kuverengwa. Tarira, anopfuura pedyo neni, ndisingamuoni; Anopfuurawo hake, asi handimuoni. Tarira, anotora hake, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, “Unoiteiko?” Mwari haangadzori kutsamwa kwake; Vabatsiri vaRahabhi vakakotamira pasi pake. Ko zvino ini ndichamupindura seiko, Nditsaure mashoko angu ndiite nharo naye? Kunyange ndaiva akarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutongi wangu. Kana ndichinge ndadana, akandipindura, Kunyange zvakadaro handizaitenda kuti akanzwa izwi rangu. Nokuti anondiputsa nedutu remhepo, Anowanza mavanga angu ndisine mhosva hangu. Handitenderi kutema mweya wangu, Asi anondizadza nezvinovava. Kana riri simba guru, tarira, iye anaro! Kana iri mhosva inotongwa, ndiani achanditarira nguva? Kunyange ndaiva akarurama hangu, muromo wangu umene uchandipa mhaka; Kunyange ndaiva akakwana, iye aiti handina kururama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 9

Jobho 9:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino Jobhu akazopindurawo achiti: “Ichokwadi ndinoziva kuti ndizvo, ko munhu angazviti akarurama sei pamberi paMwari? Dai kuri kuti munhu anoda kukakavadzana naMwari munhu haimbokwanisa kumupindura muchuru chamazana chezvinoda kutaurwa. Mwari anoungwaru mumwoyo make ane simba guru guru. Ndiani angamirisana naye akabudirira? Iye Mwari anosudurutsa makomo, iwo asingambozviziva, paanoakudubura nehasha. Iye anondengendengesa nyika achiibvisa panzvimbo payo, misimboti yayo ichizunguzika. Anotaurira zuva kuti rirege kubuda iro richitorega kubuda nyenyedzi achidzikwidibira. “Ndiye chete akatatamura denga achitsokodzera masaisai egungwa. Ndiye akasika nyenyedzi idzi dzinoti, hweva, nechinyamutatu, nechinyamutanhatu nenyenyedzi dzokuMaodzanyemba. Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki. Tarisai muone anondipfuura napapa asi handimuoni anouya napandiri asi handizvioni. Hamuone kuti anogona kubvuta asi angamurambidze hapana. Ndiani angamuti chii chauri kuita? Mwari haachadzoka pahasha dzake kunyange vabatsiri vaRahabhu vakatokotama pasi pake. “Zvino iniwo zvangu ndingamupindurewo ndichiti kudii, ndopandingasarudzawo here ini mazwi okukakavadzana naye? Kunyange ndisina mhosva handikwanisi kumupindura. Ndinotofanira kuteterera kuitirwa tsitsi naiye anondipa mhosva. Kunyange zvangu ndikamudaidza akadavira handifunge kuti anomboteerera zvandinotaura. Anotondipwanya-pwanya nedutu remhepo anotondivirikidza maronda pasina chikonzero. Haambondipa nguva yokutura mafemo asi anotondizadza neshungu dzinorwadza. Kana kuri kumumanikidza, ungamanikidze Mwari here? Kana kuri kukwira dare, ungakwidze Mwari dare here? “Kunyange ndakarurama muromo wangu pachangu unondipa mhosva. Kunyange ndisina mhosva anondibata nemhosva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 9

Jobho 9:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo Jobo wakapindura, akati: Ɀirokwaɀo ndinoziʋa kuti ndiɀo: Nokuti munhu uŋgaʋa wakarurama pamberi paMŋari seiko? Kana iye akaɗa kuita nharo naye, Haaŋgagoni kumupindura shoko rimŋe pamashoko aneɀuru. Iye unomŋoyo wakaŋgwara, unesimba guru; Ndianiko wakamuwomesera mŋoyo wake, akazofara? Iye unobvisa makomo, iwo asiŋgaɀiziʋi, Kana aciashandura pakutsamŋa kwake. Iye unozunuŋgusa nyika ikabva panɀimbo yayo, Mbiru dzayo dzinoɗeŋgenyeka. Iye unoraira zuʋa, rikarega kuɓuɗa; Iye unodzitira nyeredzi. Iye oga unotatamura ɗeŋga, Unotsika pamsoro pamafuŋgu eguŋgwa. Iye unoita nyeredzi dzeArkturo, nedzeOrioni, nedzeCimutanhatu, Namakamuri enyasi. Iye unoita ɀinhu ɀikuru ɀisiŋganɀerwi, Iɀo ɀinhu ɀinoshamisa, ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa. Tarira, unopfuʋura pedyo neni, ndisiŋgamuʋoni; Unopfuʋura ʋo hake, asi handimuʋoni. Tarira, unotora hake, ndiani uŋgamudziʋisa? Ndiani uŋgati kwaari: Unoiteiko? Mŋari haaŋgadzori kutsamŋa kwake; Ʋaɓatsiri ʋaRahabi ʋakakotamira pasi pake. Ko ɀino ini ndicamupindura seiko, Nditsaure mashoko aŋgu ndiite nharo naye? Kunyaŋge ndaiʋa wakarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutoŋgi waŋgu. Kana ndiciŋge ndaɗana, akandipindura, Kunyaŋge ɀakaɗaro handizaitenda kuti wakanzwa inzwi raŋgu. Nokuti unondiputsa neɗutu remhepo, Unowanza maʋaŋga aŋgu ndisinemhoȿa haŋgu. Haanditenderi kufema mŋeya waŋgu, Asi unondizadza neɀinoʋaʋa. Kana riri simba guru, tarira, iye unaro! Kana iri mhoȿa inotoŋgwa, ndiani ucanditarira ŋguʋa? Kunyaŋge ndaiʋa wakarurama haŋgu, muromo waŋgu umene ucandipa mhaka; Kunyaŋge ndaiʋa wakakwana, iye waiti handina‐kururama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 9

Jobho 9:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)