Jobho 7:1-6
Jobho 7:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here? Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana, kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake, saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri. Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza. Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda, ganda rangu rakatsemuka uye raora. “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.
Jobho 7:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko munhu haatambudziki here pabasa panyika? Mazuva ake haana kufanana namazuva omubatiri here? Somuranda anoshuva mumvuri, Nomubatiri anotarira mubairo wake; Saizvozvo ini ndakapiwa mwedzi isina maturo, Ndakatarirwa usiku hwenjodzi. Kana ndovata, ndinoti, “Ndichamuka riniko?” Asi usiku hwakareba; Ndinoramba ndichishanduka-shanduka kusvikira kwoedza. Nyama yangu yakafukidzwa nehonye namavhinga evhu; Ganda rangu rinofunuka, richiputika hurwa. Mazuva angu anokunda chirukiso chomuruki pakukurumidza, Anopera ndisine tariro.
Jobho 7:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mazuva omunhu panyika haasi mazuva okushanda zvakaomarara here? Mazuva ake haana kuita here samazuva omushandi? Senhapwa inosuwira mumvuri, uye somushandi anosuwira mubayiro? Saizvozvo ndakatemerwa mwedzi yandisina chokuita nousiku hwokungotambura ndihwo hwandakapiwa. Ndikarara pasi, ndinenge ndichingoti ndichamuka rinhi? Asi usiku hwakareba ndinongoshanyarika kusvikira kwoedza. Muviri wangu unongova honye dzoga uye tsvina, ganda rangu rinongoti kakata kuoma pedzepo urwa puti. Mazuva angu anenge chivhimbo chomuruki kumhanya anopera pasina chitarisiro.
Jobho 7:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko munhu haatambudziki here paɓasa panyika? Mazuʋa ake haana‐kufanana namazuʋa omuɓatiri here? Somuranda unoshuʋa mumvuri, Nomuɓatiri unotarira muɓairo wake; Saiɀoɀo ini ndakapiwa mŋedzi isinamaturo, Ndakatarirwa ʋusiku bgenjodzi. Kana ndoʋata, ndinoti: Ndicamuka riniko? Asi ʋusiku bgakareɓa; Ndinoramba ndicishanduka‐shanduka kuȿikira kwoedza. Nyama yaŋgu yakafukidzwa nehonye namaviŋga evu; Ganda raŋgu rinofunuka, riciputika ʋurwa. Mazuʋa aŋgu anokunda cirukiso comuruki pakukurumidza, Anopera ndisinetariro.
Jobho 7:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)