Jobho 41:1-6
Jobho 41:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here? Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here? Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here? Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose? Ungagona kuipfuwa seshiri here kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here? Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?
Jobho 41:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here? Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono? Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri? Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi? Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi?
Jobho 41:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ungagone kuzapura zigaranyanya nechirauro here, kana kuribata rurimi nomusungo here? Ungagone here kusungirira tambo mumhuno dzaro? Kana kubaya dama raro nechirauro? Ringakuteterere here? Ringaite zvokukunyengetedza here? Ringaite chitsidzirano newe here kuti rive muranda wako nokusingaperi? Ungatambe naro here sokutamba kwaungaite neshiri kana kurisungirira pambambo kuti uvaraidze vasikana naro? Vashambadzi vangaritengeserane here? Vatengesi vangarichekane here?
Jobho 41:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko uŋgagona kuɓata ŋgwena neciredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here? Uŋgagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuʋurura rushaya rwayo necikokoʋonho? Ko iŋgakunyeŋgetera ɀikuru here? Kana iŋgataura mashoko manyoro kwauri? Iŋgaita suŋgano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusiŋgaperi? Uŋgatamba nayo seɀauŋgaita neshiri here? Kana uŋgaisuŋga kuti ʋanasikana ʋako ʋatambe nayo? Mapoka aʋaɓati ʋehoʋe aŋgaiteŋgesa here? Ʋaŋgaigoʋera ʋateŋgi?
Jobho 41:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)