Jobho 41:1-11
Jobho 41:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ungagona kukweva ngwena nechiredzo, kana kusunga rurimi rwayo netambo here? Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo, kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here? Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here? Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here? Ko, ingaita chitenderano newe here kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose? Ungagona kuipfuwa seshiri here kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here? Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here? Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here, kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove? Kana ukaisa ruoko rwako pairi uchazorangarira kurwisana kwako nayo uye haungazozvipamhizve! Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema; kungoiona bedzi kunopedza simba. Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha. Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni? Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira? Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.
Jobho 41:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here? Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono? Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri? Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi? Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi? Ungagona kuzadza ganda rayo nemiseve yenzeve here, Kana musoro wayo namapfumo ehove? Isa ruoko rwako pamusoro payo; Rangarira kurwa, haungapamhidzizve. Tarira, tariro yake hapana; Munhu haangaori mwoyo nokuiona bedzi here? Hakuna munhu anotyisa angatsunga kuivamba, Zvino ndianiko angagona kumira pamberi pangu here? Ndianiko akatanga kundipa, kuti ndifanire kumuripirazve? Zvose zviri pasi pedenga rose ndezvangu.
Jobho 41:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ungagone kuzapura zigaranyanya nechirauro here, kana kuribata rurimi nomusungo here? Ungagone here kusungirira tambo mumhuno dzaro? Kana kubaya dama raro nechirauro? Ringakuteterere here? Ringaite zvokukunyengetedza here? Ringaite chitsidzirano newe here kuti rive muranda wako nokusingaperi? Ungatambe naro here sokutamba kwaungaite neshiri kana kurisungirira pambambo kuti uvaraidze vasikana naro? Vashambadzi vangaritengeserane here? Vatengesi vangarichekane here? Ungazadze here ganda raro namapfumo enzeve, kana musoro waro namapfumo okuraurisa? Ingoribata chete uone mabimbiri aunoita naro. Hauzozvipamhidzazve. Zvokuripingudza hazviiti. Iko kungoriona chete kunokuzadza nokutya. Hapana anogona kuridenha ndiani zvino angamirisane neni? Ndiani wandine chikwereti naye? Wandinofanira kudzorera. Chinhu chose chiri pasi pedenga ndechangu.
Jobho 41:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko uŋgagona kuɓata ŋgwena neciredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here? Uŋgagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuʋurura rushaya rwayo necikokoʋonho? Ko iŋgakunyeŋgetera ɀikuru here? Kana iŋgataura mashoko manyoro kwauri? Iŋgaita suŋgano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusiŋgaperi? Uŋgatamba nayo seɀauŋgaita neshiri here? Kana uŋgaisuŋga kuti ʋanasikana ʋako ʋatambe nayo? Mapoka aʋaɓati ʋehoʋe aŋgaiteŋgesa here? Ʋaŋgaigoʋera ʋateŋgi? Uŋgagona kuzadza ganda rayo nemiseʋe yenzeʋe here, Kana musoro wayo namapfumo ehoʋe? Isa ruʋoko rwako pamsoro payo; Raŋgarira kurwa, hauŋgapamhidzi ɀe. Tarira, tariro yake hapana; Munhu haaŋgaʋori mŋoyo nokuiʋona ɓedzi here? Hakunomunhu unotyisa uŋgatsuŋga kuiʋamba, Ɀino ndianiko uŋgagona kumira pamberi paŋgu here? Ndinaniko wakataŋga kundipa, kuti ndifanire kumuripira ɀe? Ɀose ɀiri pasi peɗeŋga rose ndeɀaŋgu.
Jobho 41:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)