Jobho 40:10-14
Jobho 40:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo. Regedzera ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza, tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire. Uvavige vose pamwe chete muguruva; ufukidze zviso zvavo muguva. Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
Jobho 40:10-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa nohumambo. Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise. Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire. Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda. Ipapo ndichakurumbidzawo, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
Jobho 40:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino chipfekaka chiremera chako noukuru, chipfeka mbiri nokurumbidzwa kwako. Hasha dzako ngadziputike utarise munhu wose anozvikudza umuninipise. Tarisa munhu wose anozvitutumadza umudukupise utsokodzere vakaipa pavari ipapo. Vavige vose pamwechete muvhu uvapombere uso muguva. Kana iniwo ndingatozobvuma kuti nesimba roruoko rwako rworudyi unogona kuzviponesa.
Jobho 40:10-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ciɀishoŋgedza ɀino noʋukuru nokukudzwa; Uɀifukidze nokurumbidzwa noʋumambo. Ƌurura hasha dzako dzinopfacuka; Utarire mumŋe nomumŋe unoɀikudza, umuninipise. Tarira mumŋe nomumŋe unoɀikudza, umuɗeredze. Tsika pasi ʋakaipa ipapo paʋamire. Uʋaʋige pamŋe cete paguruʋa; Suŋga ɀiso ɀaʋo pakaʋanda. Ipapo ndicakurumbidza ʋo, Ndiciti ruʋoko rwako rworudyi ruŋgakuponesa.
Jobho 40:10-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)