Jobho 36:26-28
Jobho 36:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki. “Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, anoshanduka achinaya semvura kuhova; makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
Jobho 36:26-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, Mwari mukuru; asi isu hatimuzivi; Kuwanda kwamakore ake hakunganzverwi. Nokuti anokwevera kumusoro madonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya ichibva pamwando wawo; Inodururwa namakore Ichidonhera yawanda pamusoro pavanhu.
Jobho 36:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chinzwai munzwe, Mwari mukuru zvokuti hatimuzivi, kuwanda kwamakore ake hakuverengeki. Nokuti anoumba madonhwe emvura, ndimo mozobva mvura inonaya kusvika kumhute. Ndiyo yacho inozonaiwa namatenga ichidururika zvakanyanya pavanhu vose.
Jobho 36:26-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, Mŋari mukuru; asi isu hatimuziʋi; Kuwanda kwamakore ake hakuŋganɀerwi. Nokuti unokweʋera kumsoro maɗonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya icibva pamŋando wawo; Inoɗururwa namakore Iciɗonhera yawanda pamsoro paʋanhu.
Jobho 36:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)