Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 24:1-25

Jobho 24:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina? Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba. Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso. Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda. Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; gwenga rinopa vana varo zvokudya. Vanosunganidza uswa mumasango, uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa. Vashaya nguo, vagovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando. Vanototeswa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokuvanda. Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti. Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara. Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota. Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva. “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho. Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha. Ziso remhombwe rinomirira rubvunzavaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake. Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza. Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima. “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa. Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyunguduka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza. Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti. Vanovandira mukadzi asingabereki, asina mwana, uye havaitiri chirikadzi tsitsi. Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo. Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo. Vanosimudzirwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa vagounganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo. “Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 24

Jobho 24:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

WaMasimbaose anoregereiko kutara nguva dzokutonga? Vanomuziva vanoregereiko kuona mazuva ake? Vanoshandura miganho varipo; Vanopamba mapoka amakwai, vachiafudza. Vanotinha mbongoro yenherera, Vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso. Vanodzinga varombo panzira; Varombo venyika vanovanda vose. Tarira, sembizi murenje Vanobudira kumabasa avo, vachishingairira zvokwadi; Renje rinovapa zvokudya zvavana vavo. Vanocheka zvavanodya kusango; Vanounganidza madzambiringa avakaipa. Vanovata usiku hwose vasina zvavakafuka, Pachando havana chavangazvifukidza nacho. Vakanyorova nokupfunha kwemvura yamakomo, Vanombundikira dombo nokushaiwa pokutizira. Varipo vanobvuta nherera pazamu ramai, Nokutora rubatso rwavarombo; Naizvozvo vanofamba vasina zvavakafuka, Vanotakura zvisote vane nzara; Vanosvina mafuta mukati mamasvingo avanhu ava; Vanotsika zvisviniro zvamadzambiringa avo, vachifa nenyota. Vanhu vanogomera mukati meguta rina vanhu vazhinji, Uye mweya yavakakuvadzwa inochema; Kunyange zvakadaro Mwari haane hanya nezvisina kururama. Ndivo vanovenga chiedza; Havazivi nzira dzacho, Havarambi vachifamba pamakwara acho. Muurayi anomuka kana kwoedza, anouraya murombo neanoshaiwa; Usiku wakafanana nomubi. Ziso remhombwewo rinomirira rubvunzavaeni, Achiti, “Hakune ziso richandiona;” Ndokufukidza chiso chake. Usiku vanopaza dzimba; Masikati vanozvipfigira; Havazivi chiedza. Nokuti mangwanani akaita serima guru kwavari vose; Nokuti vanoziva kutyisa kwerima guru. Iye anofambisa pamusoro pemvura; Mugove wavo wakatukwa panyika; Haachafambi nenzira yeminda yemidzambiringa. Kuoma nokupisa kunopedza mvura yechando; Ndizvo zvinoita Sheori navakatadza. Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa naye; Haachazorangarirwi; Uye kusarurama kuchavhunwa somuti. Iye unoparadza han’a isingabereki; Haaitiri chirikadzi zvakanaka. Anobvisa vane simba nesimba rake; Kana iye achisimuka, hakuna munhu anoziva kana achararama. Mwari anovagarisa vakachengetwa, vachivimba nazvo; Asi meso ake anotarira nzira dzavo. Vanokudzwa; gare-gare vaenda; Vanodukupiswa, vanobviswa panzira savamwe vose, Vanochekwa semisoro yehura dzezviyo. Kana zvisina kudaro zvino, ndiani angati ndine nhema, Nokushaisha mashoko angu simba here?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 24

Jobho 24:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zuva rokutonga zvarisina kuvandika kuna Samasimba sei vanomuziva vasingamboriona? Vanhu vanobvisa zvitata zvomuganhu vanobvuta matanga ezvipfuwo vachindozvifudza. Vanoteteretsa dhongi renherera vanotora dhonza rechirikadzi kuripa rubatso rwechakavimbiswa. Vanodzinga varombo munzira, varombo venyika vose vanotovanda. Varombo vanototsvaka chokudya mugwenga samadhongi omusango. Renje ndiro rinotovapa kudya kwavana vavo. Uswa hwemombe dzavo vanotonocheka musango vachitoita zvokufuhwa mumunda wavaipi vanorara usiku hwose vari musvo, vasina chavakapfeka, vasina chokufuka muchando. Vanonyorova nemvura inonaya mumakomo vachitonamatirana nedombo vachishaya pokuvanda. Vanobvuta nherera pazamu, mucheche wavarombo anobvutwa kuripa chikwereti. Vanofamba vari bunumunhu vasina chavakapfeka. Ndivo vokutakura zvisote asi nzara vainayo. Pakati pemitsara yemiorivhi yavakaipa vanoita mafuta vanosvina muguvi rewaini asi vaine nyota. Vari kufa vari kuwuwura kunze kweguta, kunonzwika kugurukuta kwavakakuvara vachitsvaka rubatsiro asi Mwari haamboteerera zvake munamato yavo. Asi kune vamwe vanopandukira chiedza vasina kujairira gwara racho vasingagari munzira dzacho. Mhondi inomuka nousiku kuti indouraya varombo navasina chavanacho, kana hwava usiku anoita sembavha. Ziso remhombwewo rinomirira ruvhunzavayeni ichiti hapana ziso rinondiona, inosandura uso. Murima vanobhovhora dzimba dzavamwe, masikati, vanozvipfigira, chiedza havachizivi nokuti zarima hapana zvariri kwavari vose, pamusana pokuti vanoushamwari nezvinotyisa zverima. Munoti vanotakurwa nechimbichimbi pamusoro pemvura, mugove wavo wakashurikidzirwa rushambwa munyika. Hakuna mushambadzi anotsaukira kuminda yavo yemigirepisi. Kushaikwa kwemvura uye kupisa kunoomesa mvura yamazaya echando ndozvinoita nzvimbo yavachakabvu kuvanhu vanenge vatadzira Mwari. Mimba inovakanganwa, honye dzinozipirwa kuvadya, vanhu vakaipa havayeukwi asi vanotyoka somuti. Vanoita hwenda nomukadzi asina mbereko pasina mwana anoberekwapo chavanobatsira chirikadzi hapana. Asi Mwari nesimba rake anokwekweretsa vana masimba, vanogona zvavo kusimukira asi havana chivimbo chaicho choupenyu. Anovanetsa nokufunga kuti vagare zvisina njodzi asi ziso rake rinenge riri panzira dzavo. Pakanguva kadukuduku vanombosimudzirwa pamusoro vobva vaenda voti pasi mokoto vachindorongedzwa zvinongoitwa vamwe vose, vanochekwa sezvinongoitwa hura dzembeswa. Kana zvisizvo ndiani angati ndinoreva nhema aburitse pachena kuti ndinotaura nhando.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 24

Jobho 24:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wamasimba‐ose unoregereiko kutara ŋguʋa dzokutoŋga? Ʋanomuziʋa ʋanoregereiko kuʋona mazuʋa ake? Ʋanoshandura miganho ʋari’po; Ʋanopamba mapoka amakwai, ʋaciafudza. Ʋanotinha mboŋgoro yenherera, Ʋanotora nzombe yecirikadzi ʋaciita ruɓatso. Ʋanodziŋga ʋarombo panzira; Ʋarombo ʋenyika ʋanoʋanda ʋose. Tarira, sembizi murenje Ʋanoɓuɗira kumaɓasa aʋo, ʋacishiŋgairira ɀokwaɗi; Renje rinoʋapa ɀokudya ɀaʋana ʋaʋo. Ʋanoceka ɀaʋanodya kusaŋgo; Ʋanoʋuŋganidza mazambiriŋga aʋakaipa. Ʋanoʋata ʋusiku bgose ʋasina‐ɀaʋakafuka, Pacando haʋana‐caʋaŋgaɀifukidza naco. Ʋakanyoroʋa nokupfunha kwemvura yamakomo, Ʋanombundikira ɗombo nokushaiwa pokutizira. Ʋari’po ʋanobvuta nherera pazamu ramai, Nokutora ruɓatso rwaʋarombo; Naiɀoɀo ʋanofamba ʋasina‐ɀaʋakafuka, Ʋanotakura ɀisote ʋanenzara; Ʋanoȿina mafuta mukati mamaȿiŋgo aʋanhu aʋa; Ʋanotsika ɀiȿiniro ɀamazambiriŋga aʋo, ʋacifa nenyota. Ʋanhu ʋanogomera mukati meguta rinaʋanhu ʋazhinji, Ʋuye mŋeya yaʋakakuʋadzwa inocema; Kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari haanehanya neɀisina‐kururama. Ndiʋo ʋanoʋeŋga ciedza; Haʋaziʋi nzira dzaco, Haʋarambi ʋacifamba pamakwara aco. Muʋurayi unomuka kana kwoedza, unoʋuraya murombo nounoshaiwa; Ʋusiku wakafanana nomuɓi. Ziso remhombge ʋo rinomirira rubvunza‐ʋaeni, Aciti: Hakuneziso ricandiʋona; Ndokufukidza ciso cake. Ʋusiku ʋanopaza dzimba; Masikati ʋanoɀipfigira; Haʋaziʋi ciedza. Nokuti maŋgwanani akaita serima guru kwaʋari ʋose; Nokuti ʋanoziʋa kutyisa kwerima guru. Iye unofambisa pamsoro pemvura; Mugoʋe waʋo wakatukwa panyika; Haacafambi nenzira yeminda yemizambiriŋga. Kuwoma nokupisa kunopedza mvura yecando; Ndiɀo ɀinoita Sheori naʋakatadza. Ciɀaro cicamukaŋganwa; honye dzicatapirirwa naye; Haacazoraŋgarirwi; Ʋuye kusarurama kucavunwa somuti. Iye unoparadza haŋa isiŋgaɓereki; Haaitiri cirikadzi ɀakanaka. Unobvisa ʋanesimba nesimba rake; Kana iye acisimuka, hakunomunhu unoziʋa kana acararama. Mŋari unoʋagarisa ʋakaceŋgetwa, ʋaciʋimba naɀo; Asi meso ake anotarira nzira dzaʋo. Ʋanokudzwa; gare‐gare ʋaenda; Ʋanoɗukupiswa, ʋanobviswa panzira saʋamŋe ʋose, Ʋanocekwa semisoro yehura dzeɀiyo. Kana ɀisina‐kuɗaro ɀino, ndiani uŋgati ndinenhema, Nokushaisa mashoko aŋgu simba here?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 24

Jobho 24:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)