Jobho 23:10-11 - Compare All Versions
Jobho 23:10-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe. Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.
Jobho 23:10-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti iye anoziva nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama. Rutsoka rwangu rwakaramba ruchitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina kutsauka.
Jobho 23:10-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti iye unoziʋa nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndicaɓuɗa ndakaita sendarama. Rutsoka rwaŋgu rwakaramba rucitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina‐kutsauka.
Jobho 23:10-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anoziva wani mufambiro wangu kana akandiedza ndichabuda sendarama. Tsoka yangu yakaramba iri mugwara rake ndakaramba ndiri munzira yake ndisingatsauki.
Jobho 23:10-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Anoziva wani mufambiro wangu kana akandiedza ndichabuda sendarama. Tsoka yangu yakaramba iri mugwara rake ndakaramba ndiri munzira yake ndisingatsauki.