Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 14:1-17

Jobho 14:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika. Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari. Ko, munotarisisa munhu akadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here? Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina? Hakuna! Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika. Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda. “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi. Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu uye hunde yawo ichifa muvhu, asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura ugomera somuti uchangotanga kumera. Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovapozve. Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi, saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo. “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira! Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika. Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu. Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu. Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 14

Jobho 14:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Munhu akaberekwa nomunhukadzi mazuva ake mashoma, uye azere nenhamo. Anoti bhabhanu seruva ozouna anomhanyamhanya somumvuri uye haagari. Chinhu chakadai ndicho chamungazarurirewo here maziso enyu kutarisa? Ndiye wamungakwirirana naye dare here? Ndiani angaburitse chinhu chitsvene mune chan'ora; hapana, sokuti mazuva ake akatotemwa kuwanda kwawo? Zviri kwamuri kuti mwedzi yake mingani. Imi ndimi makamuisira migano yaasingapfuuri. Chimbobvisai ziso renyu paari, murege ambopedzawo zuva rake murugare somushandi. Zvawo muti, une chitarisiro, ukatemwa unotungirazve. Madungirwa awo haashaiki. Kunyange mudzi wawo ukachembera muvhu dzinde rawo rikafa muvhu, asi kungonhuwidza mvura chete unotungira uchitoita mapazi somuti mudiki. Asi munhu anofa obva aparara achiva chinhu pasina anofema femo rake rokupedzisa; anozova papiwo pakadaro? Sezvinongoita mvura kukwenguka mudhamu rwizi rwunopwa rwooma, ndozvinoita munhu akaradzikwa haazombomuki kusvikira matenga aparara, haambomuki muhope dzake idzodzo. Dai mukangondivanza zvenyu munzvimbo yavafi, mundivige zvenyu imomo, kusvikira hasha dzenyu dzapera mugotema zvenyu nguva yokundiyeuka. Kana munhu akafa, angazova mupenyu zvakare here? Saka mazuva angu ose okushanda ndinenge ndomirira kusvikira nguva yangu yokusunungurwa yasvika. Ndipo pamunozondidaidza, ini ndodavirawo munengewo moda kuona chinhu chamakasika. Zvokuverenga nhanho nenhanho yangu mungadai musingaiti, zvokuramba mangoti nangananga nechitadzo changu morega. Maimbosungirira mhosva dzangu mutsapo uye uipi hwangu maimbohukwidibira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 14

Jobho 14:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Munhu wakaɀarwa nomukadzi Unamazuʋa mashoma, azere nokutambudzika. Unoɓuɗa seruʋa, ndokuȿaʋa; Unotiza ʋo somumvuri, haagari. Ko munotarira munhu wakaɗai nameso enyu, Mucinditoŋga here? Ndianiko uŋgaɓuɗisa cinhu cakanaka panecakaipa? Hakuna. Mazuʋa ake ɀaakatarwa, mŋedzi yake yakaʋereŋgwa nemi, Makamutarira miganho yaasiŋgatenderwi kuɗarika; Regai kumucerekedza, azorore, Kuȿikira apedza zuʋa rake somuɓatiri. Nokuti kana muti uciŋge watemŋa, kunetariro kuti ucaɓuɗa ɀe, Ʋuye kuti ɗaʋi rawo nyoro hariŋgaperi. Kunyaŋge mudzi wawo ukakwegurira muvu, Nehunde yawo ikafa pasi; Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɓukira kana wanzwa kunhuwira kwemvura, Ndokuɓuɗisa mataʋi somuti muɗuku. Asi munhu unofa, akaparara hake; Ɀirokwaɀo munhu unorega kufema, ɀino uripiko? Mvura inopera paguŋgwa, Ʋuye rwizi runopera nokupxa; Saiɀoɀo munhu unoʋata pasi, akasamuka ɀe; Haʋazomuki ɀe kuȿikira ɗeŋga rapera, Haʋaŋgamutswi pahope dzaʋo. Haiwa! Ƌai mucindiʋanza henyu paSheori, Mucindiceŋgeta pakaʋanda, kuȿikira hasha dzenyu dzapfuʋura, Munditemere ŋguʋa yakatarwa, yamuŋgandiraŋgarira nayo. Kana munhu aciŋge afa, uŋgararama ɀe here? Ndaimirira haŋgu mazuʋa ose okutambudzika kwaŋgu, Kuȿikira kusunuŋgurwa kwaŋgu kuciȿika. Maizoɗana, ini ndikakupindurai; Maishuʋa ɓasa ramaʋoko enyu. Asi ɀino munoʋereŋga nhambge dzaŋgu; Hamuzinocerekedza ciʋi caŋgu here? Kuɗarika kwaŋgu kwakasuŋgirwa muhomboɗo, Munosuŋga ɀakaipa ɀaŋgu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 14

Jobho 14:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)