Jobho 12:7-10
Jobho 12:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza; kana taura kunyika, ichakudzidzisa, kana hove dzegungwa ngadzikuzivise. Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi? Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.

Jobho 12:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai; Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai; Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai; Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai. Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose, Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose? Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake, Nokufema kwavanhu vose.
Jobho 12:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Pamwe ungade zvako kubvunza mhuka dzinotokudzidzisa kana kuti shiri dzedenga dzingatokutaurira, kana kuti utaure nezvinomera panyika zvichakufundisa, kana kuti hove dzegungwa dzichakutsanangurira. Chii pakati pazvo chisingazivi kuti ndiye Tenzi akazvisika? Upenyu hwechinhu chose chinofema huri mumaoko ake uye upenyu hwavanhu vose.
Jobho 12:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi bvunzai henyu ɀino mhuka, dzicakudzidzisai; Neshiri dzokuɗeŋga, dzicakuʋudzai; Kana taurai henyu nenyika, icakudzidzisai; Nehoʋe dzeguŋgwa dzicakuparidzirai. Ndianiko usiŋgaziʋi paɀinhu iɀi ɀose, Kuti ndirwo ruʋoko rwaJehova rwakaita iɀi ɀose? Mŋeya weɀipenyu ɀose uri muruʋoko rwake, Nokufema kwaʋanhu ʋose.
Jobho 12:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)