Jobho 1:20-21
Jobho 1:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi akanamata achiti: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi, uye ndichadzokera ndiri mushwi. Jehovha akapa uye Jehovha akatora, Zita raJehovha ngarirumbidzwe.”
Jobho 1:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata, akati, “Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri muhwi; Jehovha akapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.”
Jobho 1:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Jobhu akasimuka akabvarura gemenzi rake. Akaveura musoro wake ndokuti pasi zvambarara achinamata. Akati: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka; Tenzi ndiye akapa; Tenzi ndiye atora. Zita raTenzi ngarirumbidzwe.”
Jobho 1:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jobo akasimuka, akabvarura ŋguʋo yake, akaʋeʋura musoro wake, akaɀiwisira pasi, akanamata, akati: Ndakaɓuɗa mumimba mamai ʋaŋgu ndiri mushwi, ndicadzokera’po ndiri mushwi; Jehova wakapa, Jehova wakatora, zita raJehova ŋgarikudzwe.
Jobho 1:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)